Mapisarema 12:1-8
-
Jehovha anosimuka kuti aite chimwe chinhu
-
Zvinotaurwa naMwari zvakachena (6)
-
Kumutungamiriri; ruchiridzwa nemutinhimira weSheminiti.*Rwiyo rwaDhavhidhi.
12 Ndiponeseiwo Jehovha, nekuti hapasisina munhu akavimbika;Vanhu vakatendeka vanyangarika pakati pevanhu.
2 Vanotaurirana nhema;Vanonyengera nemiromo yavo uye vanotaura nemwoyo inonyengera.+
3 Jehovha achacheka miromo yese inonyengeraUye rurimi runozvikudza,+
4 Vaya vanoti: “Tichakunda nerurimi rwedu.
Tinoita zvatinoda nemiromo yedu;Ndiani achava tenzi wedu?”+
5 “Nekuti vanotambudzika vakadzvinyirirwa,Nekuti varombo vari kugomera,+Ndichasimuka kuti ndiite chimwe chinhu,” anodaro Jehovha.
“Ndichavanunura pavanhu vanovashora.”*
6 Zvinotaurwa naJehovha zvakachena;+Zvakaita sesirivha yakanatswa, yakacheneswa kanomwe muchoto chakaumbwa nevhu.*
7 Muchavachengetedza, haiwa Jehovha;+Muchadzivirira mumwe nemumwe wavo pachizvarwa ichi nekusingaperi.
8 Vakaipa vanofamba-famba pasina anovadzoraNekuti vanakomana vevanhu vanokurudzira uipi.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “vanovatsvinyira.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “muchoto chekunyungudutsira chakagadzikwa pasi.”