Mapisarema 121:1-8

  • Jehovha anochengetedza vanhu vake

    • “Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha” (2)

    • Jehovha haamborari (3, 4)

Rwiyo Rwekukwidza. 121  Ndinosimudza maziso angu ndichitarisa kumakomo.+ Rubatsiro rwangu ruchabva kupi?   Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,+Muiti wedenga nenyika.   Haazombobvumiri tsoka yako kuti itsvedze.*+ Iye ari kukuchengetedza haazombotsimwairi.   Ona! Haazombotsimwairi kana kurara,Iye ari kuchengetedza Israeri.+   Jehovha ari kukuchengetedza. Jehovha ndiye mumvuri+ kuruoko rwako rwerudyi.+   Zuva harizokukuvadzi masikati,+Kunyange mwedzi usiku.+   Jehovha achakuchengetedza pamatambudziko ese.+ Achachengetedza upenyu hwako.*+   Jehovha achakuchengetedza pane zvese zvaunoita*Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “idzedzereke.”
Kana kuti “mweya wako.”
ChiHeb., “pakubuda kwako nekupinda kwako.”