Mapisarema 138:1-8
Rwiyo rwaDhavhidhi.
138 Ndichakurumbidzai nemwoyo wangu wese.+
Ndichaimba ndichikurumbidzaiNdiri pamberi pevamwe vanamwari.*
2 Ndichakotama ndakatarisa kutemberi* yenyu tsvene,+Uye ndicharumbidza zita renyu+Nekuda kwerudo rwenyu rusingachinji uye kutendeka kwenyu.
Nekuti makakudza zvamakataura uye zita renyu kupfuura zvimwe zvinhu zvese.*
3 Pazuva randakashevedzera, makandipindura;+Makandishingisa* uye makandisimbisa.+
4 Madzimambo ese epanyika achakurumbidzai, haiwa Jehovha,+Nekuti achange anzwa vimbiso dzamakataura.
5 Achaimba nezvenzira dzaJehovha,Nekuti kubwinya kwaJehovha kukuru.+
6 Kunyange zvazvo Jehovha akakwirira, anocherechedza vanozvininipisa,+Asi vanozvikudza anongovaziva vari kure.+
7 Kunyange ndikafamba ndichipinda nepane njodzi, muchandichengetedza ndiri mupenyu.+
Munotambanudza ruoko rwenyu muchidzivisa hasha dzevavengi vangu;Ruoko rwenyu rwerudyi ruchandiponesa.
8 Jehovha achandiitira zvinhu zvese.
Haiwa Jehovha, rudo rwenyu rusingachinji runogara nekusingaperi;+Musakanganwa mabasa emaoko enyu.+
Mashoko Emuzasi
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndisingatyi vamwe vanamwari, ndichakuridzirai rwiyo.”
^ Kana kuti “kunzvimbo.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “makakudza zvamakataura kupfuura zita renyu rese.”
^ Kana kuti “Makashingisa mweya wangu.”