Mapisarema 139:1-24
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
139 Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva.+
2 Munoziva pandinogara pasi nepandinosimuka.+
Munonzwisisa kufunga kwangu muri kure.+
3 Munondicherechedza* pandinofamba uye pandinorara;Munoziva nzira dzangu dzese.+
4 Pasati patombova neshoko parurimi rwangu,Onai! Imi Jehovha, munenge mava kutoriziva.+
5 Munondikomberedza kumberi kwangu nekumashure;Uye munoisa ruoko rwenyu pandiri.
6 Ruzivo rwakadaro handigoni kurunzwisisa.*
Rwakanyanya kukwirira zvekuti handisviki pakuva narwo.*+
7 Ndingatiza mweya wenyu ndichienda kupi,Uye ndingatizira kupi kuti ndibve pamberi pechiso chenyu?+
8 Kudai ndaikwira kudenga, munenge muriko,Kudai ndaiwaridza mubhedha wangu muGuva,* onai! munenge murimo.+
9 Kudai ndaibhururuka nemapapiro emambakwedzaNdichinogara kugungwa riri kure kure,
10 Kunyange ikoko ruoko rwenyu rwainditungamiriraUye ruoko rwenyu rwerudyi rwaindibata.+
11 Kana ndikati: “Zvechokwadi rima richandivanza!”
Usiku hwakandipoteredza hunobva hwava chiedza.
12 Kunyange rima raisazova rakasviba kwamuri,Asi usiku hwaizojeka semasikati;+Rima rakafanana nechiedza kwamuri.+
13 Nekuti makagadzira itsvo dzangu;Makaita kuti ndirambe ndakavharirwa* mudumbu maamai vangu.+
14 Ndinokurumbidzai nekuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.+
Mabasa enyu anoshamisa,+Izvi ndinonyatsozviziva.*
15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuriPandakaitwa pakavanda,Pandakarukwa ndiri munzvimbo dzakadzika dzenyika.+
16 Maziso enyu akatondiona ndichangotanga kuumbwa;Nhengo dzangu dzese dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyuNezvemazuva adzakaumbwa,Dzese dzisati dzatombovapo.
17 Saka pfungwa dzenyu dzinokosha zvikuru kwandiri!+
Haiwa Mwari, dzese dzakawanda chaizvo!+
18 Ndikada kuedza kudziverenga, dzakawanda kupfuura jecha.+
Pandinomuka, ndinenge ndichiinemi.*+
19 Haiwa Mwari, dai maingouraya vakaipa!+
Vanhu vanoda zvemhirizhonga* vaibva vabva kwandiri,
20 Vaya vanotaura nezvenyu nechinangwa chakaipa;*Imhandu dzenyu dzinotaura zita renyu zvisina kukodzera.+
21 Handivengi vaya vanokuvengai here, haiwa Jehovha,+Uye handisemeswi nevaya vanokupandukirai here?+
22 Ndinovavenga zvekuvavenga zviya;+Vava vavengi vangu chaivo.
23 Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu.+
Ndicherechedzei, muzive zviri kundidya mwoyo.*+
24 Onai kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa,+Munditungamirire+ panzira isingagumi.
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “Munondiyera.”
^ Kana kuti “runondishamisa.”
^ Kana kuti “handigoni kurunzwisisa.”
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Makandiruka.”
^ Kana kuti “mweya wangu unonyatsozviziva.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “ndinenge ndichiri kudziverenga.”
^ Kana kuti “vane mhosva yekudeura ropa.”
^ Kana kuti “maererano nepfungwa dzavo.”
^ Kana kuti “pfungwa dzinondinetsa.”