Mapisarema 142:1-7
Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi paaiva mubako.+ Munyengetero.
142 Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu kuti ndibatsirwe;+Ndinochema nenzwi rangu kuna Jehovha kuti ndinzwirwe nyasha.
2 Ndinodururira zvinondinetsa pamberi pake;Ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake+
3 Panopera simba rangu mukati mangu.
Munobva matarisa mugwagwa wangu.+
Munzira yandinofamba nayo,Vanovanza chiteyeso kuti vandibate.
4 Tarisai kuruoko rwangu rwerudyi muoneKuti hapana kana ane basa neni.*+
Hapana kwandingatizira;+Hapana kana anombofungawo nezvangu.*
5 Ndinodana kwamuri, haiwa Jehovha, kuti mundibatsire.
Ndinoti: “Ndimi nzvimbo yangu yekupotera,+Nzvimbo yega yandiinayo* munyika yevapenyu.”
6 Teererai kuchemera kwangu kubatsirwa,Nekuti ndaderedzwa zvikuru.
Ndinunurei pavatambudzi vangu,+Nekuti vakasimba kundipfuura.
7 Ndibudiseiwo* mujeri repasiKuti ndirumbidze zita renyu.
Vakarurama ngavandiunganireNekuti munondiitira zvakanaka.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “anondiziva.”
^ Kana kuti “nezvemweya wangu.”
^ ChiHeb., “Mugove wangu.”
^ Kana kuti “Budisaiwo mweya wangu.”