Mapisarema 18:1-50
Kumutungamiriri. Rwiyo rwemushumiri waJehovha, Dhavhidhi, achitaura mashoko acho kuna Jehovha pazuva raakanunurwa naJehovha mumaoko evavengi vake vese nemuruoko rwaSauro. Akati:+
18 Ndinokudai kwazvo, haiwa Jehovha, simba rangu.+
2 Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare* yangu uye ndiye anondinunura.+
Mwari wangu ndiye dombo rangu,+ wandinopotera kwaari,Nhoo yangu nenyanga* yangu yeruponeso,* nzvimbo yangu yekupotera.*+
3 Ndinoshevedzera kuna Jehovha, uyo akakodzera kurumbidzwa,Uye ndichaponeswa pavavengi vangu.+
4 Tambo dzerufu dzakandikomba;+Mafashamo evarume vasingabatsiri akandityisa.+
5 Tambo dzeGuva* dzakandikomba;Rufu rwakateya misungo pamberi pangu.+
6 Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika,Ndakaramba ndichichemera Mwari wangu kuti andibatsire.
Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake,+Uye kuchemera kwangu kubatsirwa kwakasvika munzeve dzake.+
7 Nyika yakabva yatanga kuzunguzika uye kudengenyeka;+Nheyo dzemakomo dzakazununguka,Uye dzakazunguzikira mberi neshure nekuti iye akanga atsamwiswa.+
8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake,Uye moto unoparadza wakabuda mumuromo make;+Mazimbe emoto akatsvuka aibva paari.
9 Paaiburuka, akakotamisa denga,+Uye pasi petsoka dzake paiva nerima gobvu.+
10 Akatasva kerubhi ndokuuya achibhururuka.+
Akadzika ari pamapapiro emweya.*+
11 Akabva azvifukidza nerima,+Rakamupoteredza setende,Mumakore matema akazara nemvura.+
12 Pachiedza chaive pamberi pakePaibva chimvuramabwe nemazimbe emoto zvichiuya nemumakore.
13 Jehovha akabva atanga kutinhira ari kudenga;+Wekumusorosoro akaita kuti inzwi rake rinzwike+Pamwe nechimvuramabwe nemazimbe emoto.
14 Akapfura miseve yake akaita kuti vapararire;+Akatumira mheni yake akaita kuti vavhiringidzike.+
15 Pasi penzizi pakaoneka;+Nheyo dzenyika dzakaiswa pachena nekutuka kwenyu, Jehovha,Nemhepo ine simba yakabuda mumhino dzenyu.+
16 Akadzikisa ruoko rwake ari kumusoro;Akandibata, akandibudisa mumvura yakadzika.+
17 Akandinunura pamuvengi wangu ane simba,+Pavanhu vaindivenga, vaiva nesimba kundipfuura.+
18 Vakandivinga pazuva randaiva mudambudziko,+Asi Jehovha akanditsigira.
19 Akandibudisa, akandiisa munzvimbo isina njodzi;*Akandinunura nekuti aindifarira.+
20 Jehovha anondipa mubayiro unoenderana nekururama kwangu;+Anondipa mubayiro unoenderana nekuchena* kwemaoko angu.+
21 Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha,Uye handina kuita zvakaipa ndichisiya Mwari wangu.
22 Mitongo yake yese iri pamberi pangu;Handizoshori mirau yake.
23 Ndicharamba ndisina mhosva pamberi pake,+Uye ndichangwarira kuti ndisakanganisa.+
24 Jehovha ngaandipe mubayiro unoenderana nekururama kwangu,+Maererano nekuchena kwemaoko angu pamberi pake.+
25 Makavimbika kumunhu akavimbika;+Kumunhu asina mhosva munoratidza kuti hamuna mhosva;+
26 Kune vakachena munoratidza kuti makachena,+Asi kune vasina kururama munoratidza kuti makachenjera.+
27 Nekuti munoponesa vakaderera*+Asi munoderedza vanozvikudza.*+
28 Nekuti ndimi munobatidza rambi rangu, haiwa Jehovha,Mwari wangu anondivhenekera pandinenge ndiri murima.+
29 Ndichibatsirwa nemi, ndinogona kumhanya ndichinorwisa boka revapambi;+Nesimba raMwari ndinogona kukwira rusvingo.+
30 Nzira yaMwari wechokwadi yakarurama;+Shoko raJehovha rakachena.+
Iye inhoo kune vese vanopotera kwaari.+
31 Nekuti ndiani mumwe Mwari kunze kwaJehovha?+
Nderipi rimwe dombo kunze kwaMwari wedu?+
32 Mwari wechokwadi ndiye anondipa simba,*+Uye achaita kuti nzira yangu ive muchechetere.+
33 Anoita kuti tsoka dzangu dziite sedzenondo;Anoita kuti ndimire panzvimbo dzakakwirira.+
34 Anodzidzisa maoko angu hondo;Maoko angu anogona kukombamisa uta hwemhangura.
35 Munondipa nhoo yenyu yeruponeso,+Ruoko rwenyu rwerudyi runonditsigira,Uye kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru.+
36 Munoita kuti nzira yandinofamba ive yakafara;Tsoka dzangu hadzizotsvedzi.+
37 Ndichadzingirira vavengi vangu ndovabata;Handizodzoki kusvikira vatsvairwa vese.
38 Ndichavapwanya, kuti varege kusimuka;+Vachawira pasi ndovatsika.
39 Muchandipa simba rekurwa hondo;Muchaita kuti vavengi vangu vadonhe pamberi pangu.+
40 Muchaita kuti vavengi vangu vanditize,Uye ndichaparadza* vaya vanondivenga.+
41 Vanochemera kubatsirwa, asi hapana anovaponesa;Vanotochema kuna Jehovha, asi haavapinduri.
42 Ndichavakuya-kuya votsetseka seguruva riri kusimudzwa nemhepo;Ndichavarasa sematope emumigwagwa.
43 Muchandinunura pakutsvagirwa mhosva nevanhu.+
Muchandigadza kuti ndive mutungamiriri wemarudzi.+
Vanhu vandakanga ndisingazivi vachandishandira.+
44 Vachanditeerera vangoita zvekunzwa nezvangu;Vanhu vekune dzimwe nyika vachauya kwandiri vachidedera.+
45 Vanhu vekune dzimwe nyika vachatya;*Vachauya vachibvunda vachibva munhare dzavo.
46 Jehovha mupenyu! Dombo+ rangu ngarirumbidzwe!
Mwari weruponeso rwangu ngaakudzwe.+
47 Mwari wechokwadi anotsiva vavengi vangu;+Anoisa marudzi pasi pangu.
48 Anondinunura pavavengi vangu vakatsamwa;Munondisimudza mondiisa pamusoro pevaya vanondirwisa;+Munondinunura pamunhu anoita zvemhirizhonga.
49 Ndokusaka ndichakukudzai pakati pemarudzi, haiwa Jehovha,+Uye ndichaimba ndichirumbidza zita renyu.+
50 Iye anoitira mambo wake mabasa makuru eruponeso;+Anoratidza rudo rusingachinji kumuzodziwa wake,+Kuna Dhavhidhi nekuvana* vake nekusingaperi.+
Mashoko Emuzasi
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “nemununuri wangu ane simba.”
^ Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
^ Kana kuti “dzeSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “emhepo.”
^ Kana kuti “munzvimbo yakakura.”
^ Kana kuti “nekusava nemhosva.”
^ Kana kuti “vanotambura.”
^ ChiHeb., “maziso anozvikudza.”
^ Kana kuti “anondipfekedza simba.”
^ ChiHeb., “ndichanyararidza.”
^ Kana kuti “vachapera simba.”
^ ChiHeb., “mbeu.”