Mapisarema 24:1-10
-
Mambo anokudzwa anopinda pamagedhi
-
‘Nyika ndeyaJehovha’ (1)
-
Rwiyo rwaDhavhidhi.
24 Nyika nezvese zviri mairi ndezvaJehovha,+Pasi pese nevanogarapo ndezvake.
2 Nekuti akaimisa zvakasimba pamusoro pemakungwa+Uye akaisimbisa kwazvo pamusoro penzizi.
3 Ndiani angakwira kugomo raJehovha,+Uye ndiani angamira munzvimbo yake tsvene?
4 Wese ane maoko asina mhosva nemwoyo wakachena,+Asina kupika zvenhema neupenyu hwangu,*Kana kuti asina kuita mhiko achinyengera.+
5 Achagamuchira makomborero kubva kuna Jehovha+Nekururama kubva kuna Mwari wake weruponeso.+
6 Ichi ndicho chizvarwa chevaya vanomutsvaga,Chevaya vari kutsvaga chiso chenyu, haiwa Mwari waJakobho. (Sera)
7 Simudzai misoro yenyu imi magedhi;+Zarukai* imi masuo ekare kare,Kuti Mambo anokudzwa apinde!+
8 Ndiani Mambo uyu anokudzwa?
NdiJehovha, akasimba uye ane simba guru,+NdiJehovha, ane simba pakurwa.+
9 Simudzai misoro yenyu imi magedhi;+Zarukai imi masuo ekare kare,Kuti Mambo anokudzwa apinde!
10 Ndiani Mambo anokudzwa uyu?
Jehovha wemauto ndiye Mambo wacho anokudzwa.+ (Sera)
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “nemweya wangu,” kureva upenyu hwaJehovha hunenge hwapikwa nahwo nemunhu.
^ Kana kuti “Simukai.”