Mapisarema 25:1-22
Rwiyo rwaDhavhidhi.
א [Aleph]
25 Ndinotendeukira* kwamuri, haiwa Jehovha.
ב [Beth]
2 Mwari wangu, ndinovimba nemi;+Musaita kuti ndinyadziswe.+
Musaita kuti vavengi vangu vafarire nhamo yangu.+
ג [Gimel]
3 Chokwadi hapana munhu anovimba nemi achanyadziswa,+Asi vaya vanoita zveutengesi vachanyadziswa.+
ד [Daleth]
4 Itai kuti ndizive nzira dzenyu, haiwa Jehovha;+Ndidzidzisei makwara enyu.+
ה [He]
5 Ndifambisei muchokwadi chenyu mundidzidzise,+Nekuti muri Mwari wangu weruponeso.
ו [Waw]
Ndakatarisira kwamuri zuva rese.
ז [Zayin]
6 Yeukai tsitsi dzenyu, haiwa Jehovha, nerudo rwenyu rusingachinji,+Zvamunogara muchiratidza.*+
ח [Heth]
7 Musayeuka zvivi zvandakaita ndichiri mudiki uye kudarika kwangu.
Ndiyeukei maererano nerudo rwenyu rusingachinji,+Nekuda kwekunaka kwenyu, haiwa Jehovha.+
ט [Teth]
8 Jehovha akanaka uye akarurama.+
Ndokusaka achirayiridza vatadzi nzira yavanofanira kufamba nayo.+
י [Yod]
9 Achatungamirira vanyoro mune zvakarurama,*+Uye achadzidzisa vanyoro nzira yake.+
כ [Kaph]
10 Nzira dzese dzaJehovha dzinoratidza kuti ane rudo rusingachinji uye kuti akatendekaKune vaya vanochengeta sungano yake+ nezviyeuchidzo zvake.+
ל [Lamed]
11 Nekuda kwezita renyu, haiwa Jehovha,+Ndiregerereiwo chivi changu, kunyange chakakura.
מ [Mem]
12 Ndiani munhu anotya Jehovha?+
Iye achamurayiridza nezvenzira yaanofanira kusarudza.+
נ [Nun]
13 Zvichamufambira zvakanaka,+Uye vana vake vachatora nyika yova yavo.+
ס [Samekh]
14 Vaya vanotya Jehovha ndivo vanova shamwari dzake dzepedyo,+Uye anoita kuti vazive sungano yake.+
ע [Ayin]
15 Maziso angu anoramba akatarisa kuna Jehovha,+Nekuti achasunungura tsoka dzangu mumambure.+
פ [Pe]
16 Tendeudzirai chiso chenyu kwandiri, mundinzwire nyasha,Nekuti ndiri ndega uye handina mubatsiri.
צ [Tsade]
17 Matambudziko emwoyo wangu awanda;+Ndibudiseiwo munhamo dzangu.
ר [Resh]
18 Onai kutambudzika kwangu nekunetseka kwangu,+Uye regererai zvivi zvangu zvese.+
19 Onai kuwanda kwaita vavengi vanguUye hasha dzavari kundiitira vachindivenga.
ש [Shin]
20 Chengetedzai upenyu hwangu* uye ndiponesei.+
Musaita kuti ndinyadziswe nekuti ndakapotera kwamuri.
ת [Taw]
21 Kuperera kwangu kwamuri uye kururama kwangu ngazvindichengetedze,+Nekuti tariro yangu iri mamuri.+
22 Haiwa Mwari, nunurai* Israeri mukutambudzika kwake kwese.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Ndinosimudzira mweya wangu.”
^ Kana kuti “Zvagara zviripo kubvira kare.”
^ ChiHeb., “mukutongwa.”
^ Kana kuti “mweya wangu.”
^ ChiHeb., “dzikinurai.”