Mapisarema 26:1-12
Rwiyo rwaDhavhidhi.
26 Nditongei, haiwa Jehovha, nekuti ndakafamba ndakaperera kwamuri;+Ndakavimba naJehovha ndisingazununguki.+
2 Ndiongororei, haiwa Jehovha, mundiedze;Natsai pfungwa dzangu dzakadzama* uye mwoyo wangu.+
3 Nekuti rudo rwenyu rusingachinji runogara ruri pamberi pangu,Uye ndinofamba muchokwadi chenyu.+
4 Handishamwaridzane* nevanhu vanonyengera,+Uye ndinotambira kure nevaya vanovanza zvavari.*
5 Ndinovenga ungano yevanoita zvakaipa,+Uye ndinoramba kushamwaridzana* nevakaipa.+
6 Ndichageza maoko angu kuratidza kuti handina mhosva,Uye ndichafamba ndichitenderera atari yenyu, haiwa Jehovha,
7 Kuti ndiite kuti kuonga kwangu kunzwike+Uye kuti ndizivise mabasa enyu ese anoshamisa.
8 Jehovha, ndinoda imba yamunogara,+Nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.+
9 Musandiparadza* pamwe chete nevatadzi+Uye musatora upenyu hwangu pamwe chete nevanhu vanoda zvemhirizhonga,*
10 Vane maoko anoita mabasa anonyadzisa,Uye vane ruoko rwerudyi rwakazara chiokomuhomwe.
11 Asi ini ndichafamba ndakaperera kwamuri.
Ndinunurei,* mundinzwire nyasha.
12 Ndakamira* pakati sandara;+Ndicharumbidza Jehovha ndiri pakati peungano yakakura.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “itsvo dzangu.”
^ ChiHeb., “Handigari.”
^ Kana kuti “handitandari nevanyengeri.”
^ ChiHeb., “kugara.”
^ Kana kuti “Musaparadza mweya wangu.”
^ Kana kuti “nevanhu vanodeura ropa.”
^ ChiHeb., “Ndidzikinurei.”
^ Kana kuti “Tsoka dzangu dzimire.”