Mapisarema 28:1-9
-
Munyengetero wemunyori weMapisarema unonzwiwa
-
‘Jehovha, simba rangu nenhoo yangu’ (7)
-
Rwiyo rwaDhavhidhi.
28 Ndinoramba ndichishevedzera kwamuri, haiwa Jehovha, Dombo rangu;+Ndinzweiwo.
Kana mukaramba makandinyararira,Ndinenge ndangofanana nevaya vari kudzika kugomba.*+
2 Inzwai kuteterera kwangu pandinochemera kubatsirwa nemiNdichisimudzira maoko angu kuimba yemukati yenzvimbo yenyu tsvene.+
3 Musandizvuzvurudza pamwe chete nevakaipa, vanoita zvinhu zvisina kunaka,+Vaya vari kutaura zvinhu zverugare nevamwe vavo asi mumwoyo mavo muine zvinhu zvakaipa.+
4 Vatsivei maererano nezviito zvavo,+Zvinoenderana nemabasa avo akaipa.
Vatsivei mabasa emaoko avo,Maererano nezvavakaita,+
5 Nekuti havaise pfungwa dzavo pamabasa aJehovha,+Kana pabasa remaoko ake.+
Iye achavaputsa uye haazovavaki.
6 Jehovha ngaarumbidzwe,Nekuti anzwa kuchema kwangu ndichida rubatsiro.
7 Jehovha ndiye simba rangu+ nenhoo yangu;+Mwoyo wangu unovimba naye.+
Ndakawana rubatsiro rwake, uye mwoyo wangu uri kufara,Saka ndichamurumbidza nerwiyo rwangu.
8 Jehovha ndiye simba revanhu vake;Iye inhare uye anounza ruponeso rukuru kumuzodziwa wake.+
9 Ponesai vanhu venyu, mukomborere nhaka yenyu.+
Vafudzei, muvatakure mumaoko enyu nekusingaperi.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kuguva.”