Mapisarema 30:1-12
-
Kuchema kunochinja kuva kupembera
-
Kufarirwa naMwari ndekweupenyu hwese (5)
-
Pisarema. Rwiyo rwekukumikidza imba. Rwiyo rwaDhavhidhi.
30 Ndichakukudzai, haiwa Jehovha, nekuti makandisimudza;Hamuna kurega vavengi vangu vachifara pamusoro pangu.+
2 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakakuchemerai kuti mundibatsire, mukandiporesa.+
3 Haiwa Jehovha, makandisimudza* kubva muGuva.*+
Makandichengetedza ndiri mupenyu; makaita kuti ndirege kunyura mugomba.*+
4 Imbai muchirumbidza Jehovha,* imi vanhu vake vakavimbika,+Ongai zita rake dzvene;+
5 Nekuti kutsamwirwa naye ndekwenguva pfupi,+Asi kufarirwa naye ndekweupenyu hwese.+
Kuchema kunogona kuvapo manheru, asi ava mangwanani, panova nekupembera nemufaro.+
6 Pandakanga ndakagara zvakanaka ndakati:
“Handisi kuzozununguswa.”*
7 Haiwa Jehovha, pamaindifarira, makaita kuti ndisimbe segomo.+
Asi pamakavanza chiso chenyu, ndakatanga kutya.+
8 Ndakaramba ndichishevedzera kwamuri,+ haiwa Jehovha;Uye ndakaramba ndichiteterera Jehovha kuti andinzwire nyasha.
9 Zvinobatsirei kuti ndife, ndidzike mugomba?*+
Guruva ringakurumbidzai here?+ Ringataura nezvekutendeka kwenyu here?+
10 Ndinzweiwo Jehovha, uye ndinzwireiwo nyasha.+
Haiwa Jehovha, ivai mubatsiri wangu.+
11 Makachinja kuchema kwangu kuti kuve kutamba;Makandibvisa masaga, mukandipfekedza mufaro,
12 Kuti ndiimbe ndichikurumbidzai, ndirege kuramba ndakanyarara.
Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakurumbidzai nekusingagumi.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “makasimudza mweya wangu.”
^ Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “muguva.”
^ Kana kuti “Ridzirai Jehovha rwiyo.”
^ Kana kuti “kuzodzedzereka.”
^ Kana kuti “muguva.”