Mapisarema 32:1-11
Rwiyo rwaDhavhidhi. Maskiri.*
32 Anofara munhu anoregererwa kudarika kwake, ane chivi chinofukidzwa.*+
2 Anofara munhu asinganzi naJehovha ane mhosva,+Asingafungi zveunyengeri.
3 Pandakaramba ndakanyarara, mapfupa angu akadyika nemhaka yekugomera kwandaiita zuva rese.+
4 Nekuti ruoko rwenyu rwaindiremera masikati neusiku.+
Simba rangu rakanyangarika semvura mumwaka wekupisa. (Sera)
5 Ndakazoreurura chivi changu kwamuri;Handina kufukidza kukanganisa kwangu.+
Ndakati: “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.”+
Uye makaregerera kukanganisa kwangu uye zvivi zvangu.+ (Sera)
6 Ndokusaka munhu wese akavimbika achinyengetera kwamuri+Pamunenge muchiri kuwanika.+
Kunyange mafashamo emvura haazomubati.
7 Muri nzvimbo yangu yekuvanda;Muchandichengetedza pakutambudzika.+
Muchandipoteredza nekushevedzera kwemufaro wekununurwa.+ (Sera)
8 “Ndichakupa njere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo.+
Ndichakupa zano ziso rangu riri pauri.+
9 Usaita sebhiza kana kuti senyurusi, risinganzwisisi,+Rinodzorwa nematomu kana kuti netambo kuti rirege kupengereka,Riuye pedyo newe.”
10 Marwadzo emunhu akaipa mazhinji;Asi uya anovimba naJehovha akapoteredzwa nerudo rwake rusingachinji.+
11 Farai muna Jehovha mufarisise, imi makarurama;Pemberai nemufaro, imi mese mune mwoyo yakarurama.