Mapisarema 33:1-22
33 Pemberai nemufaro imi vakarurama, pamusana pezvakaitwa naJehovha.+
Zvakakodzera kuti vakarurama vamurumbidze.
2 Ongai Jehovha nerudimbwa;Imbai muchimurumbidza* nechiridzwa chine tambo gumi.
3 Muimbirei rwiyo rutsva;+Ridzai tambo zvine unyanzvi, muchishevedzera nemufaro.
4 Nekuti shoko raJehovha rakarurama,+Uye zvese zvaanoita zvakavimbika.
5 Iye anoda kururama uye kutonga zvakarurama.+
Nyika yakazara nerudo rwaJehovha rusingachinji.+
6 Denga rakaitwa neshoko raJehovha,+Uye zvese zviri mariri zvakavapo* nemweya wemuromo* wake.
7 Anounganidza mvura yemugungwa sedziva;+Anoisa mvura ine mafungu mumatura.
8 Nyika yese ngaitye Jehovha.+
Vagari vese vemunyika ngavamutye.
9 Nekuti akataura, uye zvakavapo;+Akarayira, uye zvakamira zvakasimba.+
10 Jehovha akavhiringidza mazano emarudzi;+Akaita kuti zvirongwa zvevanhu* zvikundikane.+
11 Asi mitongo yaJehovha ichamira* nekusingagumi;+Pfungwa dzemwoyo wake dzicharamba dziripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
12 Runofara rudzi runonamata Jehovha saMwari warwo,+Vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.+
13 Jehovha anotarisa ari kudenga;Anoona vanakomana vese vevanhu.+
14 Anotarisa vagari vepanyikaAri panzvimbo yake yaanogara.
15 Ndiye ari kuumba mwoyo yavo vese;Anoongorora mabasa avo ese.+
16 Hapana mambo anoponeswa neuto rakakura;+Murume akasimba haaponeswi nesimba rake rakawanda.+
17 Bhiza rinopa tariro yenhema yekupona;*+Kuva kwaro nesimba guru hakurevi kuti munhu achapukunyuka.
18 Onai! Ziso raJehovha riri pane vaya vanomutya,+Vaya vanomirira rudo rwake rusingachinji,
19 Kuti avanunure* parufuUye kuti avachengetedze vari vapenyu panzara.+
20 Tiri* kutarisira kuna Jehovha.
Ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.+
21 Mwoyo yedu inofadzwa naye,Nekuti tinovimba nezita rake dzvene.+
22 Rudo rwenyu rusingachinji ngaruuye patiri, haiwa Jehovha,+Patiri kuramba takakumirirai.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Muridzirei rwiyo.”
^ Kana kuti “mauto azvo ese akavapo.”
^ Kana kuti “nekufema kwemuromo.”
^ Kana kuti “zvinofungwa nevanhu.”
^ Kana kuti “zano raJehovha richamira.”
^ Kana kuti “yekukunda.”
^ Kana kuti “anunure mweya yavo.”
^ Kana kuti “Mweya wedu uri.”