Mapisarema 37:1-40
Rwiyo rwaDhavhidhi.
א [Aleph]
37 Usarwadziwa nemhaka yevakaipa*Kana kuchiva vanhu vanoita zvakaipa.+
2 Vachakurumidza kuoma seuswa+Uye vachasvava seuswa huchangomera hwakasvibirira.
ב [Beth]
3 Vimba naJehovha uye ita zvakanaka;+Gara panyika, uye ita zvinhu wakatendeka.+
4 Wana mufaro mukuru muna Jehovha,Uye iye achakupa zvinodiwa nemwoyo wako.
ג [Gimel]
5 Isa nzira yako pana Jehovha;+Vimba naye, uye iye achagadzirisa zvinhu.+
6 Achaita kuti kururama kwako kupenye sechiedza chemangwanani,Uye kutonga kwako zvakarurama kupenye sezuva remasikati.
ד [Daleth]
7 Ramba wakanyarara pamberi paJehovha,+Umumirire uchitarisira nemufaro.*
Usatsamwiswa nemunhuAnobudirira pakuita zvinhu zvakaipa zvaakaronga.+
ה [He]
8 Rega kutsamwa, usiye hasha;+Usashatirwa woita zvakaipa.*
9 Nekuti vanhu vakaipa vachaparadzwa,+Asi vaya vanotarisira kuna Jehovha vachagara nhaka yenyika.+
ו [Waw]
10 Kwangosara nguva diki, uye vakaipa havazovipozve;+Uchatarisa pavaiva,Asi vanenge vasisipo.+
11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika,+Uye vachafara zvikuru vaine rugare rwakawanda.+
ז [Zayin]
12 Munhu akaipa anorongera munhu akarurama zvakaipa;+Anomurumanisira mazino.
13 Asi Jehovha achamuseka,Nekuti anoziva kuti zuva rake richasvika.+
ח [Heth]
14 Vakaipa vanovhomora mapakatwa avo uye vanokunga uta hwavoKuti vawisire pasi vaya vanodzvinyirirwa uye varombo,Kuti vauraye vaya vari munzira yakarurama.
15 Asi bakatwa ravo richaboora mwoyo yavo ivo vacho;+Uta hwavo huchatyoka.
ט [Teth]
16 Zvishoma zvemunhu akarurama zviri naniPane zvakawanda zvevakaipa vazhinji.+
17 Nekuti maoko evakaipa achatyorwa,Asi Jehovha achatsigira vakarurama.
י [Yod]
18 Jehovha anoziva zviri kusangana nevanhu vasina mhosva,*Uye nhaka yavo ichagara nekusingagumi.+
19 Havazonyadziswi panguva yedambudziko;Panguva yenzara, vachange vaine zvekudya zvakawanda.
כ [Kaph]
20 Asi vakaipa vachaparara;+Vavengi vaJehovha vachanyangarika semafuro akanaka;Vachanyangarika seutsi.
ל [Lamed]
21 Munhu akaipa anokwereta asingadzoreri,Asi munhu akarurama anonzwira nyasha uye anopa.+
22 Vaya vanokomborerwa naMwari vachagara nhaka yenyika,Asi vaya vanotukwa naye vachaparadzwa.+
מ [Mem]
23 Jehovha anotungamirira* nhanho dzemunhu+Kana afarira nzira yemunhu iyeye.+
24 Kunyange angadonha, haaiti zvekuwisirwa pasi,+Nekuti Jehovha anomutsigira neruoko rwake.+
נ [Nun]
25 Ndaimbova mudiki asi iye zvino ndakwegura.
Handina kumboona munhu akarurama achisiyiwa,+Kana vana vake vachitsvaga zvekudya.*+
26 Haanyimi chikwereti,+Uye vana vake vachakomborerwa.
ס [Samekh]
27 Rega zvakaipa uite zvakanaka,+Uye ucharamba uripo nekusingaperi.
28 Nekuti Jehovha anoda kutonga zvakarurama,Uye haazosiyi vanhu vake vakavimbika.+
ע [Ayin]
Vacharamba vakachengetedzwa;+Asi vana vevanhu vakaipa vachaparadzwa.+
29 Vakarurama vachagara nhaka yenyika,+Uye vachagara mairi nekusingaperi.+
פ [Pe]
30 Muromo wemunhu akarurama unopa uchenjeri,*Uye rurimi rwake runotaura nezvekururama.+
31 Mutemo waMwari wake uri mumwoyo make;+Tsoka dzake hadzizotsvedzi.+
צ [Tsade]
32 Munhu akaipa anotarisa munhu akarurama,Achitsvaga kumuuraya.
33 Asi Jehovha haazomuisi mumaoko emunhu iyeye+Kana kumuwana aine mhosva paanotongwa.+
ק [Qoph]
34 Tarisira kuna Jehovha wotevera nzira yake,Uye iye achakukwidziridza kuti ugare nhaka yenyika.
Vakaipa pavanoparadzwa,+ iwe uchazviona.+
ר [Resh]
35 Ndakaona munhu ane utsinye, akaipa,Achitandavara semuti wakasvibirira uri muvhu rawo.+
36 Asi iye akangoerekana afa uye akanga asisipo;+Ndakaramba ndichimutsvaga, asi akanga asingachawaniki.+
ש [Shin]
37 Cherechedza munhu asina chaanopomerwa,*Uye ramba wakatarisa munhu akarurama,+Nekuti ramangwana remunhu iyeye rine rugare.+
38 Asi vatadzi vese vachaparadzwa;Ramangwana revakaipa richagumiswa.+
ת [Taw]
39 Ruponeso rwevakarurama runobva kuna Jehovha;+Ndiye nhare yavo munguva yekutambudzika.+
40 Jehovha achavabatsira, ovanunura.+
Achavanunura pavanhu vakaipa, ovaponesa,Nekuti vanopotera kwaari.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Usanzwira shungu vakaipa.”
^ Kana kuti “Umumirire nemwoyo murefu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Usashatirwa nekuti zvinongoita kuti zvinhu zviipe.”
^ ChiHeb., “anoziva mazuva evanhu vasina mhosva.”
^ Kana kuti “anosimbisa.”
^ ChiHeb., “chingwa.”
^ Kana kuti “unotaura nezveuchenjeri nenzwi riri pasi pasi.”
^ Kana kuti “munhu anoramba akaperera kuna Mwari.”