Mapisarema 39:1-13
Kumutungamiriri; rweJedhutuni.*+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
39 Ndakati: “Ndichachengetedza nhanho dzanguKuti ndirege kutadza nerurimi rwangu.+
Ndichachengetedza muromo wangu nematomu+Chero bedzi munhu akaipa ari pamberi pangu.”
2 Ndakava mbeveve uye ndakanyarara;+Ndakaramba ndakanyarara, ndisingatauri kunyange zvakanaka,Asi marwadzo angu akanga akanyanya.
3 Mwoyo wangu wakatsva mukati mangu.
Pandaifungisisa,* moto wakaramba uchibvira.
Rurimi rwangu rwakabva rwataura kuti:
4 “Jehovha, ndibatsireiwo kuziva kuti ndichaguma sei,Uye yerai mazuva angu,+Kuti ndizive kuti upenyu hwangu hupfupi zvakadii.
5 Chokwadi, makaita kuti mazuva angu angova mashomanana;+Uye upenyu hwangu hachisi chinhu pamberi penyu.+
Chokwadi munhu wese, kunyange achiita seakachengeteka, anongova mhepowo zvayo inofemwa.+ (Sera)
6 Chokwadi munhu wese anofamba-famba semumvuri.
Anomhanya-mhanya* pasina.
Anounganidza pfuma asi asingazivi kuti ndiani achaidya.+
7 Saka chii chandingatarisira, nhai Jehovha?
Ndimi mega tariro yangu.
8 Ndiponesei pakudarika kwangu kwese.+
Musaita kuti benzi rindizvidze.
9 Ndakaramba ndakanyarara;Ndaitadza kuvhura muromo wangu,+Nekuti ndimi makanga mazviita.+
10 Bvisai dambudziko ramakaisa pandiri.
Ndapera nekuti ruoko rwenyu ruri kundirova.
11 Munoruramisa munhu nekumuranga kana akanganisa;+Sechitemamachira,* munoparadza zvinhu zvaanokoshesa.
Chokwadi munhu wese imhepo zvayo inofemwa.+ (Sera)
12 Inzwaiwo munyengetero wangu, Jehovha,Teererai kuchemera kwangu kubatsirwa.+
Musaita semusiri kuona misodzi yangu.
Nekuti ndinongova hangu mutorwa kwamuri,+Munhu ari kungopfuurawo zvake, sezvakangoita madzitateguru angu ese.+
13 Bvisai pandiri ziso renyu rakatsamwa, kuti ndifarewoNdisati ndapfuura uye ndisisipo.”
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “Pandaigomera.”
^ ChiHeb., “Anongoita ruzha.”
^ Aka kachipembenene kanodya machira.