Mapisarema 43:1-5
43 Nditongei, haiwa Mwari,+Ndimiririrei panyaya+ iri pakati pangu nerudzi rusina kuvimbika.
Ndinunurei pamunhu anonyengera uye asina kururama.
2 Nekuti muri Mwari wangu, nhare yangu.+
Mandirasireiko?
Nei ndichifanira kufamba ndakasuruvara nemhaka yekudzvinyirirwa nemuvengi wangu?+
3 Tumai chiedza chenyu nechokwadi chenyu.+
Izvi ngazvinditungamirire;+Ngazvinditungamirire kugomo renyu dzvene nekutebhenekeri yenyu huru.+
4 Ndichabva ndauya kuatari yaMwari,+Kuna Mwari, iye mufaro wangu mukuru.
Uye ndichakurumbidzai nerudimbwa,+ haiwa Mwari, imi Mwari wangu.
5 Nei ndapererwa* netariro?
Nei ndisina kugadzikana mukati mangu?
Mirira Mwari,+Nekuti ndichamurumbidzazve seMuponesi wangu mukuru uye Mwari wangu.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “mweya wangu wapererwa.”