Mapisarema 46:1-11
Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+ Mutinhimira weAramoti.*
46 Mwari ndiye nzvimbo yedu yekupotera nesimba redu.+
Ndiye rubatsiro runowanika zviri nyore munguva yekutambudzika.+
2 Ndokusaka tisingazotyi, kunyange nyika ichichinja,Kunyange makomo achizununguka achinyura mukati megungwa,+
3 Kunyange mvura yaro ikaita ruzha ichipupuma,+Kunyange makomo akazununguka nekuda kwekusagadzikana kwaro. (Sera)
4 Pane rwizi rune hova dzinoita kuti guta raMwari rifare,+Tebhenekeri huru tsvene yeWekumusorosoro.
5 Mwari ari muguta racho;+ harigoni kupidigurwa.
Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.+
6 Marudzi aiita mheremhere, uye madzimambo akapidigurwa;Akakwidza inzwi rake, uye nyika yakanyunguduka.+
7 Jehovha wemauto anesu;+Mwari waJakobho ndiye nzvimbo yedu yekupotera.* (Sera)
8 Uyai muone mabasa aJehovha,Maitiro aakaita zvinhu zvinokatyamadza panyika.
9 Ari kugumisa hondo munyika yese.+
Anotyora uta uye anotyora-tyora pfumo;Anopisa ngoro dzehondo* nemoto.
10 “Bvumai uye zivai kuti ndini Mwari.
Ndichakwidziridzwa pakati pemarudzi;+Ndichakwidziridzwa munyika.”+
11 Jehovha wemauto anesu;+Mwari waJakobho ndiye nzvimbo yedu yekupotera.+ (Sera)
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Anopisa nhoo.”