Mapisarema 48:1-14
Rwiyo. Pisarema revanakomana vaKora.+
48 Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa,Kurumbidzwa muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
2 Guta rinoyevedza riri pakakwirira uye rinofadza nyika yese,+Igomo reZiyoni riri kuchamhembe,Guta raMambo Mukuru.+
3 Mushongwe dzaro dzakavakwa zvakasimba,Mwari azivisa kuti iye inzvimbo yekupotera.*+
4 Nekuti onai! madzimambo akaungana;*Akaenda mberi ari pamwe chete.
5 Pavakazviona, vakashamiswa.
Vakavhunduka, vakatiza nekutya.
6 Vakatanga kudedera vari ikoko,Vakarwadziwa sezvinoita mukadzi ari kusununguka.
7 Munoparadza ngarava dzekuTashishi nemhepo yekumabvazuva.
8 Zvatakanga taita zvekunzwa, iye zvino tava kuzvioneraMuguta raJehovha wemauto, muguta raMwari wedu.
Mwari acharisimbisa kwazvo nekusingaperi.+ (Sera)
9 Haiwa Mwari, tinofungisisa nezverudo rwenyu rusingachinji+Tiri mutemberi yenyu.
10 Kungofanana nezita renyu, haiwa Mwari, kurumbidzwa kwenyuKunosvika kumigumo yenyika.+
Ruoko rwenyu rwerudyi rwakazara nekururama.+
11 Gomo reZiyoni+ ngaripembere,Maguta eJudha ngaafare,* nekuda kwemitongo yenyu.+
12 Forai muchitenderera Ziyoni; ripotererei;Verengai shongwe dzaro.+
13 Isai mwoyo yenyu pamasvingo aro anodzivirira.+
Ongororai shongwe dzaro dzakavakwa zvakasimba,Kuti muzokwanisa kuzvirondedzera kuzvizvarwa zvichatevera.
14 Nekuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu+ nariini nariini.
Achatitungamirira nekusingaperi.*+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “yakakwirira yakachengeteka.”
^ Kana kuti “akarangana ndokusangana.”
^ ChiHeb., “Vanasikana veJudha ngavafare.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kusvikira tafa.”