Mapisarema 5:1-12
Kumutungamiriri weNehiroti.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
5 Teereraiwo mashoko angu, Jehovha;+Inzwaiwo kugomera kwangu.
2 Teereraiwo kuchemera kwangu kubatsirwa,Imi Mambo wangu naMwari wangu, nekuti ndinonyengetera kwamuri.
3 Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;+Mangwanani ndichataurawo zvinondinetsa,+ ndomirira nechivimbo.
4 Nekuti hamusi Mwari anofarira zvakaipa;+Hapana munhu akaipa angaramba ainemi.+
5 Hapana munhu anozvikudza angamira pamberi penyu.
Munovenga vese vanoita zvakaipa;+
6 Muchaparadza vaya vanoreva nhema.+
Jehovha anosema vanhu vanoita zvemhirizhonga nevanonyengera.*+
7 Asi ndichauya kuimba+ yenyu nekuti mune rudo rukuru rusingachinji;+Ndichakotama ndakatarisa kutemberi*+ yenyu tsvene ndichikutyai nekukuremekedzai.
8 Jehovha, nditungamirireiwo mukururama kwenyu nekuti ndakakombwa nevavengi;Itai kuti nzira yenyu ijeke pamberi pangu.+
9 Nekuti hapana chavanotaura chingavimbwa nacho;Hapana chiri mukati mavo kunze kwekurongera vamwe zvakaipa;Huro dzavo iguva rakavhurika;Vanonyengera nerurimi rwavo.+
10 Asi Mwari achavati vane mhosva;Mazano avo avanoronga ndiwo achaita kuti vawe.+
Ngavadzingirwe kure nekuda kwezvitadzo zvavo zvakawanda,Nekuti vakakupandukirai.
11 Asi vese vanopotera kwamuri vachafara;+Vachagara vachipembera nemufaro.
Muchadzivisa vanoda kuvakuvadza,Uye vaya vanoda zita renyu vachakufarirai.
12 Nekuti imi Jehovha muchakomborera munhu wese akarurama;Muchavadzivirira nekuvafarira kwenyu sekudzivirira kunoita nhoo huru.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “munhu anodeura ropa neanonyengera.”
^ Kana kuti “kunzvimbo.”