Mapisarema 64:1-10
-
Kudzivirirwa pakurwiswa kusingaoneki
-
“Mwari achavapfura” (7)
-
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
64 Inzwaiwo inzwi rangu Mwari, sezvo ndiri kuteterera.+
Chengetedzai upenyu hwangu pavavengi vangu vanotyisa.
2 Ndidzivirirei pane zvandinorongerwa nevakaipa,+Pamhomho yevanhu vanoita zvakaipa.
3 Vanorodza rurimi rwavo sebakatwa;Vanonangisa mashoko avo eutsinye semiseve,
4 Kuti vapfure munhu asina mhosva vari pakahwanda;Vanomupfura asingafungiri, vasingatyi.
5 Vanoramba vaine chinangwa chavo chekuita zvakaipa;*Vanokurukura nezvekuvanza zviteyeso zvavo.
Vanoti: “Ndiani achazviona?”+
6 Vanotsvaga nzira itsva dzekuita zvakaipa;Vanoronga mazano avo neungwaru pachivande;+Zvinofungwa nemumwe nemumwe wavo mumwoyo make hazvinzwisisiki.
7 Asi Mwari achavapfura;+Vachangoona vakuvadzwa nemuseve.
8 Rurimi rwavo ndirwo ruchaita kuti vawire pasi;+Vese vanenge vakatarisa vachadzungudza misoro yavo.
9 Vanhu vese vachabva vatya,Uye vachazivisa zvinenge zvaitwa naMwari,Uye vachanzwisisa mabasa ake.+
10 Munhu akarurama achafara muna Jehovha uye achapotera kwaari;+Vese vakarurama mumwoyo vachafarisisa.*