Mapisarema 7:1-17
-
Jehovha Mutongi akarurama
-
“Nditongeiwo, Jehovha” (8)
-
Rwiyo rwaDhavhidhi rwekushungurudzika,* rwaakaimbira Jehovha nezvemashoko aKushi muBhenjamini.
7 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakapotera kwamuri.+
Ndiponesei pane vese vanonditambudza, mundinunure.+
2 Mukasadaro vachandibvambura-bvambura* sezvinoita shumba,+Vachienda neni pasina anondinunura.
3 Haiwa Jehovha Mwari wangu, kana ndiri ini ndakatadza,Kana ndakaita zvisina kururama,
4 Kana ndakatadzira munhu aindiitira zvakanaka,+Kana kuti, kana ndakapamba zvinhu zvemuvengi wangu pasina chikonzero,*
5 Muvengi ngaandidzingirire andibate;*Ngaatsike-tsike upenyu hwangu panyika,Aite kuti kukudzwa kwangu kuparare muguruva. (Sera)
6 Haiwa Jehovha, simukai makatsamwa;Simukai murwisane nevavengi vangu+ vakatsamwa;Mukai muite kuti nditongwe zvakarurama.+
7 Marudzi ngaakukombei;Uye muchaarwisa muri kumusoro.
8 Jehovha achapa mutongo pamarudzi.+
Nditongeiwo, Jehovha, zvinoenderana nekururama kwanguUye zvinoenderana nekuperera kwangu+ kwamuri.
9 Ndapota gumisai zvakaipa zvevakaipa.
Asi simbisai vakarurama,+Sezvo muri Mwari akarurama+ anoongorora mwoyo+ uye pfungwa dzakadzama.*+
10 Mwari inhoo yangu,+ Muponesi wevaya vane mwoyo wakarurama.+
11 Mwari Mutongi akarurama,+Uye Mwari anozivisa mitongo yake mazuva ese.
12 Kana munhu asingapfidzi,+ Mwari anorodza bakatwa rake;+Anosunga uta hwake ohukunga.+
13 Anogadzirira zvombo zvake zvekuurayisa;Anogadzirira miseve yake inopfuta.+
14 Tarisai munhu ane pamuviri pezvakaipa;Anobata pamuviri pematambudziko uye anozvara nhema.+
15 Anofukunura gomba, orichera kuti ridzike,Asi anowira mugomba racho raakachera.+
16 Matambudziko aanokonzera achadzoka pamusoro pake;+Zvinhu zvemhirizhonga zvaanoita zvichawira panhongonya yake.
17 Ndicharumbidza Jehovha nekuti anotonga zvakarurama;+Ndichaimba ndichirumbidza zita raJehovha+ Wekumusorosoro.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “rwekuchema.”
^ Kana kuti “vachabvambura-bvambura mweya wangu.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Ndichisiya uya anondivenga pasina chikonzero.”
^ Kana kuti “ngaadzingirire abate mweya wangu.”
^ Kana kuti “anoedza mwoyo neitsvo.”