Mapisarema 71:1-24
71 Haiwa Jehovha, ndakapotera kwamuri.
Ngandirege kumbonyadziswa.+
2 Ndiponesei mukururama kwenyu mundinunure.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri* mundiponese.+
3 Ivai nhare yangu yematomboMandinogara ndichipinda.
Rayirai kuti ndiponeswe,Nekuti muri ibwe rangu nenhare yangu.+
4 Mwari wangu, ndinunureiwo paruoko rwemunhu akaipa,+Paruoko rwemudzvinyiriri asingatongi zvakarurama.
5 Nekuti muri tariro yangu, haiwa Changamire Ishe Jehovha;Ndagara ndichivimba nemi kubvira ndichiri mudiki.+
6 Ndaivimba nemi kubvira ndichizvarwa;Ndimi makandibudisa mudumbu raamai vangu.+
Ndinoramba ndichikurumbidzai.
7 Ndaita sechishamiso kuvanhu vazhinji,Asi imi muri nzvimbo yangu yekupotera yakasimba.
8 Muromo wangu uzere nekukurumbidzai;+Ndinoswera ndichitaura nezvekubwinya kwenyu.
9 Musandirasa pandinenge ndakwegura;+Musandisiya kana simba rangu rapera.+
10 Vavengi vangu vanotaura zvakaipa nezvangu,Uye vaya vari kutsvaga kupfuudza upenyu hwangu* vanorangana+
11 Vachiti: “Mwari akamusiya.
Mudzingirirei mumubate, nekuti hapana achamuponesa.”+
12 Haiwa Mwari, musaramba muri kure neni.
Haiwa Mwari wangu, kurumidzai kuzondibatsira.+
13 Vaya vari kupikisana neni*Ngavanyadziswe, vaparare.+
Vaya vari kutsvaga kundipinza mudambudzikoNgavafukidzwe nekuzvidzwa uye kunyadziswa.+
14 Asi kana ndiri ini ndicharamba ndakamirira;Ndichawedzera kukurumbidzai.
15 Muromo wangu ucharondedzera kururama kwenyu,+Uchaswera uchirondedzera mabasa enyu ekuponesa,Kunyange zvazvo akawanda chaizvo zvekuti handikwanisi kuaverenga.+
16 Ndichauya ndozotaura nezvemabasa enyu esimba,Haiwa Changamire Ishe Jehovha;Ndichataura nezvekururama kwenyu, kwenyu imi mega.
17 Haiwa Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri mudiki,+Uye nanhasi ndichiri kuzivisa mabasa enyu anoshamisa.+
18 Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya.+
Regai ndiudze chizvarwa chinotevera nezvesimba renyu*Uye vese vachauya nezveukuru hwenyu.+
19 Kururama kwenyu haiwa Mwari kunosvika kumusoro;+Makaita zvinhu zvikuru;Haiwa Mwari, ndiani akaita semi?+
20 Kunyange zvazvo makaita kuti ndisangane nematambudziko akawanda nenhamo,+Ndimutsidzirei zvakare;Ndibudisei pasi pasi penyika.*+
21 Wedzeraiwo ukuru hwanguUye ndikomberedzei mundinyaradze.
22 Ndichabva ndakurumbidzai nechiridzwa chine tamboNekuda kwekutendeka kwenyu haiwa Mwari wangu.+
Ndichaimba ndichikurumbidzai nerudimbwa,*Haiwa imi Mutsvene waIsraeri.
23 Miromo yangu ichashevedzera nemufaro ndichiimba ndichikurumbidzai,+Nekuti makandiponesa.*+
24 Rurimi rwangu ruchaswera ruchitaura* nezvekururama kwenyu,+Nekuti vaya vari kutsvaga kundiparadza vachashaya pekupinda uye vachanyadziswa.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Kotamai mundinzwewo.”
^ Kana kuti “kutsvaga mweya wangu.”
^ Kana kuti “nemweya wangu.”
^ ChiHeb., “nezveruoko rwenyu.”
^ Kana kuti “mumvura yakadzika yenyika.”
^ Kana kuti “Ndichakuridzirai rudimbwa.”
^ Kana kuti “makadzikinura mweya wangu.”
^ Kana kuti “ruchifungisisa.”