Mapisarema 74:1-23
Maskiri.* Rwiyo rwaAsafi.+
74 Haiwa Mwari, makatirasirei nekusingaperi?+
Nei hasha dzenyu dzichipfungaidza makwai emafuro enyu?+
2 Yeukai vanhu vamakawana* kare kare,+Dzinza ramakadzikinura kuti rive nhaka yenyu.+
Yeukai Gomo reZiyoni, nzvimbo yamanga muchigara.+
3 Itai nhanho dzenyu makananga kumatongo asingaperi.+
Muvengi aparadza zvese zviri munzvimbo tsvene.+
4 Vanokuvengai vakadzvova vari munzvimbo yenyu yekuungana.+
Vakasimudza mireza yavo kuti ive zviratidzo imomo.
5 Vaiita sevarume vari kusimudza matemo avo kuti vateme sango remiti.
6 Vakakwachura zvese zvakanga zvakatemerwa pairi,+ vachishandisa matemo nemigwara.
7 Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nemoto.+
Vakasvibisa tebhenekeri yaiva nezita renyu, vachiiwisira pasi.
8 Ivo nevana vavo vakati mumwoyo mavo:
“Nzvimbo dzese dzekuunganira dzaMwari* dziri munyika dzinofanira kupiswa.”
9 Hapana zviratidzo zvekuti tione;Hakusisina kana muprofita,Uye hapana kana mumwe wedu anoziva kuti izvi zvicharamba zvakadaro kusvikira riini.
10 Haiwa Mwari, mhandu icharamba ichinyomba kusvikira riini?+
Muvengi achashora zita renyu nekusingaperi here?+
11 Munoregererei kutambanudza ruoko rwenyu, ruoko rwenyu rwerudyi?+
Rubvisei pachipfuva penyu* muvaparadze.
12 Asi Mwari ndiye Mambo wangu kubvira kare kare,Ari kuita mabasa ekuponesa panyika.+
13 Makabvongodza gungwa nesimba renyu;+Makapwanya misoro yemazimhuka emugungwa ari mumvura.
14 Makapwanya misoro yeRevhiatani;*Makaipa vanhu kuti vadye, vaya vaigara mumagwenga.
15 Makatsemura zvitubu uye hova dzemvura;+Makaomesa nzizi dzaigara dzichiyerera.+
16 Masikati ndeenyu, uyewo usiku ndehwenyu.
Makagadzira chiedza uye zuva.+
17 Makaisa miganhu yese yenyika;+Makaita kuti kuve nezhizha nechando.+
18 Yeukai kunyomba kwemuvengi, haiwa Jehovha,Kushorwa kunoitwa zita renyu nerudzi rusina musoro.+
19 Musapa mhuka dzesango njiva* yenyu.
Musakanganwa nekusingaperi upenyu hwevanhu venyu vari kutambura.
20 Yeukai sungano yamakaita nesu,Nekuti nzvimbo dzine rima dzenyika dzazara nevanhu vemhirizhonga.
21 Itai kuti akadzvinyirirwa asadzoka aora mwoyo;+Vakaderera uye varombo ngavarumbidze zita renyu.+
22 Simukai, haiwa Mwari, mumiririre nyaya yenyu mudare.
Yeukai kunyombwa kwamunoitwa nemapenzi zuva rese.+
23 Musakanganwa zviri kutaurwa nevavengi venyu.
Ruzha rwevaya vari kukupandukirai runoramba ruchikwira.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ ChiHeb., “ungano yenyu yamakawana.”
^ Kana kuti “Nzvimbo dzese dzinonamatirwa Mwari.”
^ Kana kuti “muhomwe yepachipfuva yenguo yenyu.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “mweya wenjiva.”