Mapisarema 78:1-72
Maskiri.* Rwiyo rwaAsafi.+
78 Imi vanhu vangu, teererai mutemo* wangu;Rerekai nzeve dzenyu munzwe mashoko emuromo wangu.
2 Ndichashama muromo wangu ndichitaura chirevo.
Ndichataura zvirahwe zvekare kare.+
3 Zvinhu zvatakanzwa uye zvatinoziva,Zvatakarondedzerwa nemadzibaba edu,+
4 Hatizozvivanziri vanakomana vavo;Ticharondedzera kuchizvarwa chichauya+Mabasa akakodzera kurumbidzwa aJehovha uye simba rake,+Zvinhu zvinoshamisa zvaakaita.+
5 Akaisa chiyeuchidzo muna JakobhoUye akagadza mutemo muna Israeri;Akarayira madzitateguru eduKuti aite kuti vana vawo vazive zvinhu izvi,+
6 Kuti chizvarwa chinotevera,Vana vachazoberekwa, vazvizive.+
Ivowo vozozvirondedzera kuvana vavo.+
7 Ava vanobva vavimba naMwari.
Havazokanganwi mabasa aMwari+Asi vachachengeta mirayiro yake.+
8 Havazoiti semadzitateguru avo,Chizvarwa chakanga chakaoma musoro uye chaipanduka,+Chizvarwa chakanga chiine mwoyo usina kudzikama+Uye chakanga chisina kutendeka kuna Mwari.
9 VaEfremu vakanga vakapakata uta,Asi pazuva rehondo vakatiza.
10 Havana kuchengeta sungano yaMwari+Uye vakaramba kufamba mumutemo wake.+
11 Vakakanganwawo zvaakanga aita,+Mabasa ake anoshamisa aakavaratidza.+
12 Akaita zvinoshamisa pamberi pemadzitateguru avo,+Munyika yeIjipiti, nharaunda yeZoani.+
13 Akakamura gungwa kuti vayambuke,Uye akaita kuti mvura imire semadziro.+
14 Aivatungamirira negore masikatiUye usiku hwese nechiedza chemoto.+
15 Akatsemura matombo murenje,Akaita kuti vanwe mvura kusvikira vaguta sekunge yaibva mugungwa.+
16 Akabudisa hova dzemvura mudomboUye akaita kuti mvura iyerere senzizi.+
17 Asi vakaramba vachimutadziraNekupandukira Wekumusorosoro mugwenga;+
18 Vakaedza Mwari mumwoyo mavo+Vachimuudza kuti avape zvekudya zvavaida.*
19 Saka vakataura zvakaipa nezvaMwari,Vachiti: “Mwari angagona kutipa zvekudya murenje here?”+
20 Onai! Akarova domboZvekuti mvura yakayerera, hova dzikafashukira.+
“Angagona kutipawo chingwa here,Kana kuti angagona kupa vanhu vake nyama here?”+
21 Jehovha paakavanzwa, akashatirwa kwazvo;+Moto+ wakabvira ukapisa Jakobho,Uye akatsamwira Israeri kwazvo+
22 Nekuti havana kutenda muna Mwari;+Havana kuvimba kuti aikwanisa kuvaponesa.
23 Saka akarayira makore ari mudenga kumusoro,Akavhura masuo ekudenga.
24 Akaramba achivanayisira mana kuti vadye;Akavapa zviyo zvekudenga.+
25 Vanhu vakadya chingwa chevane simba;*+Akavapa chaikwana kuti vagute.+
26 Akasimudza mhepo yekumabvazuva kumatengaUye simba rake rakaita kuti mhepo yekumaodzanyemba ivhuvhute.+
27 Uye akavanayisira nyama yakawanda seguruva,Shiri dzakawanda sejecha regungwa.
28 Akaita kuti zvidonhere mumusasa wake,Zvakapoteredza matende ake.
29 Uye vakadya vakazvimbirwa;Akavapa zvavaipanga.+
30 Asi nhomba yavo yenyama isati yatombopera,Zvekudya zvavo zvichiri mumuromo mavo,
31 Mwari akavatsamwira.+
Akauraya varume vavo vakasimba;+Akawisira pasi majaya aIsraeri.
32 Pasinei neizvi, vakatowedzera kutadza+Uye havana kuva nekutenda mumabasa ake anoshamisa.+
33 Saka akagumisa mazuva avo semhepowo zvayo inofemwa,+Uye akagumisa makore avo nezvinhu zvinotyisa zvakavawira vasingafungiri.
34 Asi pese paaivauraya, ivo vaimutsvaga;+Vaibva vadzoka, votsvaga Mwari,
35 Vachiyeuka kuti Mwari aiva Dombo ravo+Uye kuti Mwari Wekumusorosoro aiva Mudzikinuri wavo.*+
36 Asi vakaedza kumunyengedza nemuromo wavoUye vakamunyepera nerurimi rwavo.
37 Mwoyo yavo yakanga isina kuvimbika kwaari;+Uye vakanga vasina kutendeka kusungano yake.+
38 Asi iye aiva nengoni;+Aivaregerera* kukanganisa kwavo orega kuvaparadza.+
Aiwanzozvidzora pakushatirwa kwake+Pane kuvaratidza hasha dzake dzese.
39 Nekuti aiyeuka kuti vakanga vari vanhu venyama,+Mhepo inongovhuvhuta ichipfuura isingadzoki.
40 Vaimupandukira kakawanda murenje+Uye vaimurwadzisa mugwenga.+
41 Vaingoramba vachiedza Mwari,+Uye vairwadzisa Mutsvene waIsraeri.
42 Havana kuyeuka simba rake,*Zuva raakavanunura* pamhandu,+
43 Maratidziro aakaita zviratidzo zvake muIjipiti+Uye zvishamiso zvake munharaunda yeZoani,
44 Uye machinjiro aakaita migero yaNire kuita ropa+Zvekuti vaisagona kunwa mvura inobva muhova dzavo.
45 Akavatumira mbuo* dzakawandisa, kuti dzivarwadzise dzichivaruma+Uye matatya kuti avaparadze.+
46 Akapa zvirimwa zvavo kumhashu dzinodya dzisingasiye chinhu,Zvavakashandira zvakadyiwa nemhashu dzinobhururuka dzakawanda.+
47 Akaparadza mizambiringa yavo nechimvuramabwe+Uye mitsamvi yavo nechimvuramabwe.
48 Akauraya mhuka dzavo dzinotakuriswa zvinhu nechimvuramabwe+Uye akauraya zvipfuwo zvavo nemheni.*
49 Akavarova nehasha dzake huru,Nekushatirwa nekutsamwa nekutambudzika,Zvikwata zvengirozi zvichiunza matambudziko.
50 Akavhurira hasha dzake nzira.
Haana kuvasiya vari vapenyu;Uye akaita kuti vawirwe nedenda.
51 Akazopedzisira nekuuraya matangwe ese eIjipiti,+Kutanga kwesimba ravo rekubereka mumatende aHamu.
52 Akabva abudisa vanhu vake semakwai,+Akavatungamirira murenje seboka rezvipfuwo.
53 Akavatungamirira vakachengeteka,Uye havana chavaitya;+Gungwa rakafukidza vavengi vavo.+
54 Uye akavasvitsa kunyika yake tsvene,+Nyika ino ine makomo yakawanikwa neruoko rwake rwerudyi.+
55 Akadzinga marudzi pamberi pavo;+Akavagovanisa nhaka achishandisa tambo yekuyeresa;+Akagarisa madzinza aIsraeri mumisha yawo.+
56 Asi vakaramba vachiedza Mwari Wekumusorosoro uye vachimupandukira;+Havana kuchengeta zviyeuchidzo zvake.+
57 Naivowo vakatsauka uye vainyengera semadzitateguru avo.+
Vakanga vakaita seuta hwakadhamba husingagoni kuvimbwa nahwo.+
58 Vakaramba vachimugumbura nenzvimbo dzavo dzakakwirira,+Uye vakaita kuti ashatirwe* nemifananidzo yavo yakavezwa.+
59 Mwari akazvinzwa, akashatirwa kwazvo,+Saka akaramba Israeri zvachose.
60 Akazosiya tebhenekeri yekuShiro,+Tende raaigara ari pakati pevanhu.+
61 Akarega chiratidzo chesimba rake chichitapwa;Kukudzwa kwake akakuisa muruoko rwemhandu.+
62 Akasiya vanhu vake vachiurayiwa nebakatwa+Uye akashatirirwa nhaka yake.
63 Moto wakapisa majaya ake,Uye mhandara dzake hadzina kuimbirwa nziyo dzemuchato.*
64 Vapristi vake vakaurayiwa nebakatwa,+Uye chirikadzi dzavo hadzina kuchema.+
65 Jehovha akabva amuka semunhu anga akarara,+Semurume akasimba+ amuka waini yapera mumusoro.
66 Uye akadzingirira mhandu dzake dzichidzokera kwadzabva;+Akaita kuti vanyadziswe nekusingaperi.
67 Akaramba tende raJosefa;Haana kusarudza dzinza raEfremu.
68 Asi akasarudza dzinza raJudha,+Gomo reZiyoni, raanoda.+
69 Akaita kuti nzvimbo yake tsvene irambe iripo sematenga,*+Senyika, iyo yaakasimbisa nekusingaperi.+
70 Akasarudza Dhavhidhi+ mushumiri wake,Akamutora kumatanga emakwai,+
71 Kwaaifudza nhunzvi dzinoyamwisa;Akaita kuti ave mufudzi waJakobho, vanhu vake,+Uye waIsraeri, nhaka yake.+
72 Akavafudza nemwoyo wakaperera,+Uye akavatungamirira nemaoko ane unyanzvi.+
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Kana kuti “zvekudya zvemweya yavo.”
^ Kana kuti “chengirozi.”
^ Kana kuti “Mutsivi wevavengi vavo.”
^ ChiHeb., “Aifukidza.”
^ ChiHeb., “ruoko rwake.”
^ ChiHeb., “raakavadzikinura.”
^ Aka kachipukanana kakaita senhunzi kanoruma.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “nefivha.”
^ Kana kuti “anzwe godo.”
^ ChiHeb., “hadzina kurumbidzwa.”
^ ChiHeb., “Akavaka nzvimbo yake tsvene senzvimbo yakakwirira.”