Mapisarema 8:1-9
Kumutungamiriri; mutinhimira weGititi.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
8 Haiwa Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei munyika yese;Munoita kuti kukudzwa kwenyu kuve kwakakwirira kupfuura matenga chaiwo!*+
2 Makaita kuti mumiromo mevana nemevacheche+ mubude simbaNekuda kwemhandu dzenyu,Kuti vavengi nevanotsiva vanyarare.
3 Pandinoona matenga enyu, iwo mabasa eminwe yenyu,Mwedzi nenyeredzi zvamakagadzira,+
4 Munhu chiiko zvamunomufunga,Uye mwanakomana wemunhu zvamunomuchengeta?+
5 Makamuita akati dererei pane ngirozi,*Mukamuisa korona yekubwinya nekukudzwa.
6 Makaita kuti atonge mabasa emaoko enyu;+Makaisa zvinhu zvese pasi petsoka dzake:
7 Zvese makwai nembudzi nemombe,Pamwe nemhuka dzesango,*+
8 Shiri dzekudenga nehove dzemugungwa,Chese chinopfuura nemunzira dzemumakungwa.
9 Haiwa Jehovha Ishe wedu, zita renyu iguru sei munyika yese!
Mashoko Emuzasi
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “Imi mune kukudzwa kunorondedzerwa kumusoro kwedenga!”
^ Kana kuti “pana vanamwari.”
^ ChiHeb., “nezvikara zvesango.”