Mapisarema 82:1-8
Rwiyo rwaAsafi.+
82 Mwari akamira panzvimbo yake muungano yake;+Anotonga ari pakati pavanamwari* achiti:+
2 “Kusvikira riiniko muchitonga zvisina kururama+Uye muchiitira vanhu vakaipa tsvete?+ (Sera)
3 Ivai vatongi vevanhu vakaderera nenherera.+
Tongai zvakarurama vaya vasina mubatsiri uye vanoshayiwa.+
4 Nunurai akaderera nemurombo;Vaponesei muruoko rweakaipa.”
5 Havazivi, uye havanzwisisi;+Vari kufamba-famba murima;Nheyo dzese dzenyika dziri kuzununguswa.+
6 “Ini ndakati, ‘Muri vanamwari,*+Mese muri vanakomana veWekumusorosoro.
7 Asi muchafa sezvinongoita vanhu;+Uye muchawa sezvinoita mamwe machinda ese!’”+
8 Simukai, haiwa Mwari, mutonge nyika,+Nekuti marudzi ese ndeenyu.