Mapisarema 92:1-15
Pisarema. Rwiyo rwezuva reSabata.
92 Zvakanaka kuonga Jehovha+Uye kuimba nziyo dzekurumbidza zita renyu, haiwa imi Wekumusorosoro,
2 Kuzivisa mangwanani nezverudo rwenyu rusingachinji+Uye usiku nezvekutendeka kwenyu,
3 Pachiridzwa chiridzwa chine tambo gumi nechine tambo nhatu,Uye rudimbwa rune mutinhimira unonakidza.+
4 Nekuti makaita kuti ndifare, haiwa Jehovha, nekuda kwemabasa enyu;Ndinopembera nemufaro nekuda kwemabasa emaoko enyu.
5 Chokwadi mabasa enyu makuru, Jehovha!+
Pfungwa dzenyu dzakadzama kwazvo!+
6 Hapana munhu asingafungi angazviziva;Uye hapana munhu akapusa anogona kunzwisisa izvi:+
7 Vakaipa pavanomera semasora*Uye vese vanoita zvakaipa pavanotumbuka,Zvinenge zvichiitika kuti vaparadzwe zvachose.+
8 Asi imi munokudzwa nekusingaperi, haiwa Jehovha.
9 Chokwadi tarisai vavengi venyu mavakunda, haiwa Jehovha,Tarisai kuparara kuchaita vavengi venyu;Vese vanoita zvinhu zvakaipa pavachaitwa kuti vapararire.+
10 Asi imi muchakwidziridza nyanga yangu seyenzombe* yemusango;Ndichanyorovesa ganda rangu nemafuta matsva.+
11 Maziso angu achatarisa vavengi vangu vakundwa;+Nzeve dzangu dzichanzwa nezvekuwa kwevanhu vakaipa vanondirwisa.
12 Asi vakarurama vachatumbuka semuchindweUye vachakura semusidhari uri muRebhanoni.+
13 Vakadyarwa muimba yaJehovha;Vanotumbuka muzvivanze zvaMwari wedu.+
14 Kunyange pavanenge vachembera,* vacharamba vachibudirira;+Vacharamba vaine simba uye vari vatsva,+
15 Vachizivisa kuti Jehovha akarurama.
Ndiye Dombo rangu,+ uye maari hamuna chisina kururama.
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “seuswa.”
^ Kana kuti “simba rangu serenzombe.”
^ Kana kuti “vachena musoro.”