Mariro 1:1-22

  • Jerusarema rinofananidzwa nechirikadzi

    • Ragara pasi uye rasiyiwa riri rega (1)

    • Zvivi zvikuru zveZiyoni (8, 9)

    • Ziyoni rinorambwa naMwari (12-15)

    • Ziyoni harina munyaradzi (17)

א [Aleph]* 1  Inga guta riya rekuva nevanhu vazhinji ragara pasi riri rega!+ Mukadzi uya wekuva nevanhu vazhinji pakati pemarudzi angoita sechirikadzi!+ Uya wekuva muchindakadzi pakati pematunhu zvaava kuitiswa basa rekumanikidzwa!+ ב [Beth]   Anochema zvinonzwisa tsitsi usiku,+ uye azere nemisodzi pamatama. Pavadiwa vake vese hapana kana ari kumunyaradza.+ Shamwari dzake dzese dzamurasisa;+ dzava vavengi vake. ג [Gimel]   Judha atapwa+ achitambudzika uye ari muuranda hwakaomarara.+ Ava kufanira kugara pakati pemarudzi;+ ashaya nzvimbo yekuzororera. Vatambudzi vake vese vamubata ari pakutambudzika kwake. ד [Daleth]   Migwagwa inoenda kuZiyoni iri kuchema, nekuti hapana ari kuuya kumutambo.+ Magedhi aro ese aparadzwa;+ vapristi varo vari kugomera. Mhandara dzaro dziri* kushungurudzika, uye iro riri kunetseka zvakanyanya. ה [He]   Mhandu dzaro dzava tenzi waro;* vavengi varo havatombonetseki.+ Nekuti Jehovha ariunzira marwadzo nemhaka yekukanganisa kwaro kuzhinji.+ Vana varo vaendeswa kuutapwa nemhandu.+ ו [Waw]   Runako rwese rwabva pamwanasikana weZiyoni.+ Machinda ake akaita senondo hono dzashaya mafuro,Uye anofamba akarukutika ari pamberi pevanoatevera. ז [Zayin]   Mumazuva ekutambudzika kwaro nekushaya pekugara, Jerusarema rinoyeukaZvinhu zvese zvinokosha zvaraiva nazvo mazuva ekare kare.+ Vanhu varo pavakawira muruoko rwemhandu iro rikashaya mubatsiri,+Mhandu dzakariona uye dzakaseka* kuti raparara.+ ח [Heth]   Jerusarema ratadza zvikuru.+ Ndokusaka rava chinhu chinosemesa. Vese vaimborikudza vava kungoritora sechinhu chinosemesa, nekuti vaona kusapfeka kwaro.+ Irowo rinogomera+ uye rinotendeuka richinyara. ט [Teth]   Kusachena kwaro kuri nechezasi kwenguo yaro. Harina kumbofunga nezveramangwana raro.+ Kuwa kwaro kwaishamisa; harina anorinyaradza. Haiwa Jehovha, tarisai kutambudzika kwangu, nekuti muvengi azvikwidziridza.+ י [Yod] 10  Mhandu yaisa ruoko rwayo papfuma yaro yese.+ Nekuti raona marudzi achipinda munzvimbo yaro tsvene,+Ayo amakati haafaniri kupinda muungano yenyu. כ [Kaph] 11  Vanhu varo vese vari kugomera; vari kutsvaga zvekudya.+ Vaendesa zvinhu zvavo zvinokosha kuti vawane chekudya, vachingoitira kuti vararame. Tarisai muone, haiwa Jehovha, kuti ndaita semukadzi* asina zvaanobatsira. ל [Lamed] 12  Imi mese muri kupfuura nemumugwagwa hamuna basa nazvo here? Tarisai muone! Pane marwadzo akaita semarwadzo andakapiwa here,Ayo Jehovha akaita kuti nditambure nawo pazuva rekutsamwa kwake kukuru?+ מ [Mem] 13  Atumira moto mumapfupa angu+ uchibva kumusoro kuti uaparadze ese. Atambanudzira tsoka dzangu mambure; andimanikidza kutendeuka. Aita kuti ndive mukadzi asiyiwa. Ndiri kurwara zuva rese. נ [Nun] 14  Zvitadzo zvangu zvasungirirwa pamutsipa wangu sejoko; azvisunganidza achishandisa ruoko rwake. Zvaiswa pamutsipa wangu uye simba rangu rapera. Jehovha andiisa muruoko rwevaya vandisingagoni kurwisana navo.+ ס [Samekh] 15  Jehovha akanda parutivi varume vese vane simba achivabvisa pakati pangu.+ Aunganidza vanhu kuti aparadze majaya angu.+ Jehovha atsika-tsika mhandara yeJudha muchisviniro chewaini.+ ע [Ayin] 16  Zvinhu izvi zviri kundichemedza;+ maziso angu ari kuyerera misodzi. Nekuti munhu wese aikwanisa kundinyaradza kana kundisimbisa* ava kure neni. Vanakomana vangu havasisina tariro, nekuti muvengi akunda. פ [Pe] 17  Ziyoni ratambanudza maoko aro;+ harina anorinyaradza. Jehovha apa murayiro kumhandu dzese dzaJakobho dzakamupoteredza kuti dzimurwise.+ Kwadziri, Jerusarema rava chinhu chinosemesa.+ צ [Tsade] 18  Jehovha akarurama,+ nekuti ndini ndakapandukira mirayiro yake.*+ Teererai imi marudzi ese, uye onai kurwadziwa kwangu. Mhandara dzangu nemajaya angu vatapwa.+ ק [Qoph] 19  Ndakashevedzera kune vaya vaindida, asi vakandirasisa.+ Vapristi vangu nevakuru vangu vakaperera mugutaPavaitsvaga zvekudya kuti vararame.+ ר [Resh] 20  Jehovha tarisai, nekuti ndiri kunetseka chaizvo. Mudumbu mangu hamuna* kugadzikana. Mwoyo wangu wapinduruka mukati mangu, nekuti ndakapanduka zvisingaiti.+ Kunze kune bakatwa riri kupedza vanhu;+ uye mumba makaita serufu. ש [Shin] 21  Vanhu vakanzwa kugomera kwangu; hapana ari kundinyaradza. Vavengi vangu vese vakanzwa nezvedambudziko rangu. Vari kupembera nemufaro, nekuti makariunza.+ Asi muchaunza zuva ramakazivisa,+ iro zuva ravachaita seni.+ ת [Taw] 22  Zvakaipa zvavo zvese ngazviuye pamberi penyu, uye varangei zvinorwadza,+Sekundiranga zvinorwadza kwamakaita nemhaka yekukanganisa kwangu kwese. Nekuti kugomera kwangu kuzhinji, uye mwoyo wangu uri kurwara.

Mashoko Emuzasi

Zvitsauko 1-4 mashoko ekushungurudzika akanyorwa pachitevedzwa kurongwa kwemabhii echiHebheru.
Kana kuti “Vakadzi varo vechidiki vari.”
ChiHeb., “musoro waro.”
Kana kuti “dzakafarira.”
Jerusarema ndiro riri kufananidzwa nemunhu.
Kana kuti “kusimbisa mweya wangu.”
ChiHeb., “muromo wake.”
ChiHeb., “Ura hwangu hahuna.”