Mariro 2:1-22

  • Jehovha anotsamwira Jerusarema

    • Hapana kunzwirwa tsitsi (2)

    • Jehovha aita semuvengi kwariri (5)

    • Kuchema Ziyoni (11-13)

    • Vanhu vanopfuura vachishora guta raimbova nerunako (15)

    • Vavengi vanofarira kuparara kweZiyoni (17)

א [Aleph] 2  Inga Jehovha afukidza mwanasikana weZiyoni negore rekutsamwa kwake! Akanda runako rwaIsraeri panyika achirubvisa kudenga.+ Haana kuyeuka chitsiko chetsoka dzake+ pazuva rekutsamwa kwake. ב [Beth]   Jehovha amedza nzvimbo dzese dzekugara dzaJakobho asina tsitsi. Aparadza nhare* dzemwanasikana weJudha akashatirwa kwazvo.+ Awondomora uye asvibisa umambo+ nemachinda ahwo.+ ג [Gimel]   Agura simba* rese raIsraeri akatsamwa kwazvo. Akabvisa ruoko rwake rwerudyi pakauya muvengi,+Uye akaramba achipfuta pakati paJakobho semoto, akaparadza zvese zvakapoteredza.+ ד [Daleth]   Akombamisa* uta hwake semuvengi; ruoko rwake rwerudyi rwagadzirira semhandu;+Akaramba achiuraya vaya vese vanoyevedza.+ Uye akadururira kutsamwa kwake mutende remwanasikana weZiyoni semoto.+ ה [He]   Jehovha aita semuvengi;+Amedza Israeri. Amedza shongwe dzese dzeZiyoni;Aparadza nhare dzaro dzese. Anoita kuti kuchema nekushungurudzika zviwande mumwanasikana weJudha. ו [Waw]   Anorwisa dumba rake+ sekaimba kari mumunda. Agumisa* mutambo wake.+ Jehovha aita kuti mutambo nesabata zvikanganwike muZiyoni,Uye kutsamwa kwake kunotyisa kwaita kuti asaremekedza mambo nemupristi.+ ז [Zayin]   Jehovha arasa atari yake;Azvidza nzvimbo yake tsvene.+ Aisa masvingo eshongwe dzaro dzakavakwa zvakasimba muruoko rwemuvengi.+ Vakwidza manzwi avo vari muimba yaJehovha,+ sepazuva remutambo. ח [Heth]   Jehovha asarudza kuti achatoparadza rusvingo rwemwanasikana weZiyoni.+ Atambanudza tambo yekuyeresa.+ Haana kudzosa ruoko rwake kuti rurege kuparadza.* Uye anoita kuti rusvingo nemurwi wekudzivirira nawo zvicheme. Zvese hazvisisina kusimba. ט [Teth]   Magedhi aro anyura pasi.+ Aparadza uye apwanya mazariro* aro. Mambo waro nemachinda aro vari pakati pemarudzi.+ Hapana mutemo;* kunyange vaprofita varo hapana zvavari kuratidzwa naJehovha.+ י [Yod] 10  Vakuru vemwanasikana weZiyoni vagara pasi vakanyarara.+ Vanoisa guruva mumisoro yavo uye vanopfeka masaga.+ Mhandara dzeJerusarema dzakotamisa misoro pasi. כ [Kaph] 11  Maziso angu aneta nekuchema misodzi.+ Mudumbu mangu hamuna* kugadzikana. Chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yekuwa kwaita mwanasikana* wevanhu vangu,+Nemhaka yekuziya kuri kuita vana nevacheche mumisika yeguta.+ ל [Lamed] 12  Vanoramba vachibvunza vanaamai vavo vachiti, “Zvirimwa newaini zviripi?”+ Pavanoziya mumisika yeguta semunhu akuvadzwa,Pavanenge vava kufa* vari mumaoko avanaamai vavo. מ [Mem] 13  Chii chandingashandisa sechapupu,Kana kuti ndingakufananidza nei, haiwa iwe mwanasikana weJerusarema? Ndingakuenzanisa nei kuti ndikunyaradze, haiwa iwe mhandara yeZiyoni? Nekuti kuparara kwako kukuru segungwa.+ Ndiani angakuporesa?+ נ [Nun] 14  Zviratidzo zvakaonekwa nevaprofita vako zvaiva zvenhema uye zvakanga zvisina zvazvinobatsira,+Uye havana kubudisa pachena kukanganisa kwako kuti urege kutapwa,+Asi vakaramba vachiona zviratidzo zvenhema uye zvinotsausa vachikuudza.+ ס [Samekh] 15  Vese vanopfuura nemugwagwa vanokurovera maoko zvekutsvinya.+ Vanoridza muridzo vachishamisika+ uye vanodzungudzira mwanasikana weJerusarema misoro, vachiti: “Ndiro here guta riya ravaiti nezvaro, ‘Rizere nerunako, mufaro wenyika yese’?”+ פ [Pe] 16  Vavengi vako vese vakakushamira miromo yavo. Vanoridza muridzo uye vanorumanisa mazino avo vachiti: “Tamumedza.+ Iri ndiro zuva ratanga takamirira!+ Rasvika, uye tariona!”+ ע [Ayin] 17  Jehovha aita zvaaida;+ azadzisa zvaakataura,+Zvaakarayira kare kare.+ Aputsa asinganzwi tsitsi.+ Aita kuti muvengi afare nezvaitika kwauri; akwidziridza simba* remhandu dzako. צ [Tsade] 18  Mwoyo yavo inochema kuna Jehovha, haiwa iwe rusvingo rwemwanasikana weZiyoni. Misodzi ngaiyerere serukova siku nesikati. Usazorora, ziso rako* ngarirege kuzorora. ק [Qoph] 19  Muka! Shevedzera usiku panotanga nguva dzekurinda. Durura mwoyo wako pamberi pechiso chaJehovha semvura. Musimudzire maoko ako kuitira upenyu hwevana* vakoVari kuziya nenzara pamakona ese emigwagwa.+ ר [Resh] 20  Tarisai muone haiwa Jehovha uya wamakarwadzisa chaizvo. Vakadzi vanofanira kuramba vachidya vana vavo+ vavakabereka, ivo vana vavo vakanyatsosvika* here,Kana kuti vapristi nevaprofita vanofanira kuurayirwa munzvimbo tsvene yaJehovha here?+ ש [Shin] 21  Mukomana mudiki nemurume akwegura vakati rabada vakafa mumigwagwa.+ Mhandara dzangu nemajaya angu vaurayiwa nebakatwa.+ Makauraya pazuva rekutsamwa kwenyu; makauraya zvisina tsitsi.+ ת [Taw] 22  Munounganidza zvinhu zvinotyisa kubva kumativi ese sekunge kuti izuva remutambo.+ Pazuva rekutsamwa kwaJehovha hapana akapukunyuka kana akapona;+Muvengi wangu akaparadza vaya vandakabereka* ndikarera.+

Mashoko Emuzasi

Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
ChiHeb., “nyanga.”
ChiHeb., “Atsika.”
Kana kuti “Aparadza.”
ChiHeb., “kumedza.”
Kana kuti “murayiro.”
Aya mapango kana kuti simbi dzaishandiswa sezvihuri.
Uku kudetemba uchitaura chimwe chinhu seuri kureva munhu, zvichida pachiratidza kunzwira tsitsi kana kuti tsiye nyoro.
ChiHeb., “Ura hwangu hahuna.”
Kana kuti “mweya wavo paunenge wava kupera.”
ChiHeb., “nyanga.”
ChiHeb., “mwanasikana weziso rako.”
Kana kuti “mweya yevana.”
Kana kuti “izvo zvibereko zvavo zvakanyatsosvika.”
Kana kuti “vandakabereka vaine utano.”