Mariro 4:1-22

  • Kutambura pamusana pekukombwa kweJerusarema

    • Nzara (4, 5, 9)

    • Vakadzi vanobika vana vavo (10)

    • Jehovha adurura kutsamwa kwake kukuru (11)

א [Aleph] 4  Inga goridhe rinopenya harichapenyi, iro goridhe rakanatswa!+ Inga matombo matsvene+ angoti katakata mumakona ese emigwagwa!+ ב [Beth]   Kana vari vanakomana vanokosha veZiyoni, avo vakayerwa vachienzaniswa negoridhe* rakanatswa,Vava kungoonekwa semidziyo yevhu,Basa remaoko emuumbi! ג [Gimel]   Hunguhwe* chaidzo dzakapa vana vadzo mazamu kuti dzivayamwise,Asi mwanasikana wevanhu vangu ava neutsinye,+ semhou dziri murenje.+ ד [Daleth]   Rurimi rwemwana anoyamwa rwanamatira mukanwa make nenyota. Vana vari kukumbira zvekudya,+ asi hapana ari kuvapa.+ ה [He]   Vaya vaimbodya machikichori vangoti rabada nenzara* mumigwagwa.+ Vaya vakarerwa vachipfeka machira matsvuku+ vagumbatira mirwi yemadota. ו [Waw]   Kurangwa* kwemwanasikana wevanhu vangu kukuru kupfuura kurangwa kweguta reSodhomu+ nemhaka yechivi charo,Iro rakaparadzwa nguva dikidiki, pasina ruoko rwakaribatsira.+ ז [Zayin]   VaNaziri+ veZiyoni vakanga vakachena kupfuura chando, vakachena kupfuura mukaka. Vakanga vakatsvuka kupfuura matombo ekorari; vakanga vakaita sematombo esafaya akapenyeswa. ח [Heth]   Zviso zvavo zvasviba kupfuura chin’ai;*Havachazivikanwi mumigwagwa. Ganda ravo raunyanira pamapfupa avo;+ raita sehuni dzakaoma. ט [Teth]   Vaya vakaurayiwa nebakatwa vari nani pane vaya vakaurayiwa nenzara,+Avo vanoondoroka, voita sevabayiwa nepfumo nemhaka yekushaya zvekudya muminda. י [Yod] 10  Vakadzi vane tsitsi vakabika vana vavo nemaoko avo pachavo.+ Vakava zvekudya zvepanguva yekuchema pakuparara kwemwanasikana wevanhu vangu.+ כ [Kaph] 11  Jehovha aratidza kutsamwa kwake;Adurura kutsamwa kwake kukuru.+ Uye anotungidza moto muZiyoni, uyo unoparadza nheyo dzaro.+ ל [Lamed] 12  Madzimambo epanyika nevagari vese vepanyika havana kutendaKuti mhandu nemuvengi vangapinda mumagedhi eJerusarema.+ מ [Mem] 13  Izvi zvakaitika nemhaka yezvivi zvevaprofita varo, kukanganisa kwevapristi varo,+Avo vakadeura ropa revatsvene pakati paro.+ נ [Nun] 14  Vakadzungaira semapofu+ mumigwagwa. Vakasvibiswa neropa,+Zvekuti hapana anokwanisa kubata nguo dzavo. ס [Samekh] 15  “Ibvai! Hamuna kuchena!” vanoshevedzera vachidaro kwavari. “Ibvai! Ibvai! Musatibata!” Nekuti havasisina misha, uye vari kungodzungaira. Vanhu vakataura pakati pemarudzi vachiti: “Hazviiti kuti vagare nesu pano.*+ פ [Pe] 16  Chiso chaJehovha chakavaparadzira;+Haachazombovafariri. Vanhu havazoremekedzi vapristi,+ havazokudzi vakuru.”+ ע [Ayin] 17  Kunyange iye zvino maziso edu aneta nekutsvaga rubatsiro tichirushaya.+ Takatsvaga tatsvagazve rubatsiro kurudzi rwakatadza kutiponesa.+ צ [Tsade] 18  Vakatironda pese pataitsika+ zvekuti takatadza kufamba mumisika yedu. Kuguma kwedu kwaswedera pedyo; mazuva edu apera, nekuti kuguma kwedu kwasvika. ק [Qoph] 19  Vaya vaititevera vaimhanya kupfuura makondo ari mudenga.+ Vakatidzingirira mumakomo; vakatihwandira murenje. ר [Resh] 20  Muzodziwa waJehovha,+ iwo mweya wekufema wemhino dzedu, abatwa mugomba ravo guru,+Iye watakati nezvake: “Tichagara mumumvuri wake tiri pakati pemarudzi.” ש [Sin] 21  Pembera nemufaro, uye fara kwazvo, haiwa iwe mwanasikana weEdhomu,+ sezvaunogara munyika yeUzi. Asi iwe uchapiwawo kapu yacho+ uye uchadhakwa wozvipfekenura.+ ת [Taw] 22  Haiwa iwe mwanasikana weZiyoni, kurangwa kwawakaitwa nemhaka yekukanganisa kwako kwapera. Haazokutapizve.+ Asi achafunga nezvekukanganisa kwako, haiwa iwe mwanasikana weEdhomu. Achafumura zvivi zvako.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “avo vaikosha segoridhe.”
Iyi imhuka yakada kufanana negava.
ChiHeb., “havasisina chinhu.”
ChiHeb., “Kukanganisa.”
ChiHeb., “ruvara rutema.”
Kana kuti “vagare pano sevatorwa.”