Mariro 5:1-22

  • Vanhu vanonyengeterera kudzoswa

    • “Yeukai zvakatiwira” (1)

    • ‘Tine nhamo; takatadza’ (16)

    • “Haiwa Jehovha, tidzosei kwamuri” (21)

    • “Itai kuti mazuva edu ave matsva” (21)

5  Haiwa Jehovha, yeukai zvakatiwira. Tarisai muone kuzvidzwa kwedu.+   Nhaka yedu yapiwa vanhu vatisingazivi, dzimba dzedu dzapiwa vekune dzimwe nyika.+   Tava nherera dzisina baba; vanaamai vedu vaita sechirikadzi.+   Tinotofanira kubhadhara kuti tinwe mvura yedu,+ uye huni dzedu pachedu tava kutoita zvekudzitenga.   Vaya vari kutidzingirira vava mugotsi medu;Taneta, asi hatisi kuzorodzwa.+   Tinotambanudzira ruoko rwedu kuIjipiti+ neAsiriya,+ kuti tiwane zvekudya zvakakwana.   Madzitateguru edu ayo akatadza haasisipo, asi ndisu tava kutakura kukanganisa kwavo.   Tava kutongwa nevaranda; hapana anogona kutibvuta paruoko rwavo.   Tinoisa upenyu hwedu* pangozi kuti tiwane zvekudya,+ nemhaka yebakatwa riri murenje. 10  Ganda redu rava kupisa sechoto, nemhaka yekurumwa nenzara.+ 11  Vakanyadzisa* madzimai ari muZiyoni, mhandara dziri mumaguta eJudha.+ 12  Machinda akaturikwa, akarembedzwa akasungwa ruoko rumwe chete,+ uye vakuru havana kuremekedzwa.+ 13  Majaya atakura guyo, uye vakomana vari kudzedzereka vakatakura masvinga ehuni. 14  Vakuru havasisipo pagedhi reguta;+ majaya haasi kuridza nziyo dzawo.+ 15  Mwoyo yedu haisisina mufaro; kutamba kwedu kwachinja kukava kuchema.+ 16  Korona yawa kubva mumusoro medu. Tine nhamo nekuti takatadza! 17  Izvi zviri kuita kuti mwoyo yedu irwadze,+Uye nemhaka yezvinhu izvi maziso edu haachanyatsooni,+ 18  Nemhaka yekuti Gomo reZiyoni rava dongo;+ makava ava kungofamba mariri. 19  Kana muri imi, haiwa Jehovha, munogara pachigaro chenyu cheumambo nekusingaperi. Chigaro chenyu chinoramba chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+ 20  Nei muchitikanganwa nekusingaperi, muchitisiya kwenguva yakareba kudai?+ 21  Haiwa Jehovha, tidzosei kwamuri uye tichabva tangodzoka kwamuri.+ Itai kuti mazuva edu ave matsva seaya ekare.+ 22  Asi makatiramba zviri pachena. Muri kuramba makatitsamwira chaizvo.+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “mweya yedu.”
Kana kuti “Vakabata chibharo.”