Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 15:1-39
15 VaFarisi nevanyori vakabva vauya kuna Jesu vachibva kuJerusarema,+ vachiti:
2 “Sei vadzidzi vako vasingachengeti tsika dzevanhu vekare? Semuenzaniso, havagezi maoko* avo kana vava kuda kudya.”+
3 Akavapindura achiti: “Sei imi muchityora mutemo waMwari nekuda kwetsika dzenyu?+
4 Semuenzaniso, Mwari akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye, ‘Munhu anotuka baba vake kana amai vake anofanira kuurayiwa.’+
5 Asi imi munoti, ‘Munhu wese anoti kuna baba vake kana amai: “Chese chandiinacho chandaigona kukubatsirai nacho ndakachitsaura sechipo kuna Mwari,”+
6 haafaniri kutombokudza baba vake.’ Saka makaita kuti shoko raMwari rishaye simba nekuda kwetsika dzenyu.+
7 Imi vanyengeri, regai Isaya akazoprofita nezvenyu achiti:+
8 ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni.
9 Vanoramba vachindinamata pasina, nekuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’”+
10 Akabva ashevedza vanhu kuti vaswedere pedyo, akati kwavari: “Teererai munzwisise zvandiri kutaura:+
11 Zvinopinda mumuromo memunhu hazvisirizvo zvinomusvibisa, asi zvinobuda mumuromo make ndizvo zvinomusvibisa.”+
12 Vadzidzi vakabva vauya kwaari vakati: “Munoziva here kuti vaFarisi vagumbuka nezvamataura?”+
13 Akapindura achiti: “Chinhu chese chinomera chisina kudyarwa naBaba vangu vekudenga chichadzurwa.
14 Varegei vakadaro. Ivo mapofu anotungamirira vamwe. Saka kana bofu rikatungamirira rimwe bofu, ese ari maviri achawira mugomba.”+
15 Petro akapindura achiti: “Nyatsotitsanangurirai mufananidzo wacho.”
16 Iye akati: “Nemiwo hamusati mazvinzwisisa here?+
17 Hamuzivi here kuti zvinhu zvese zvinopinda mumuromo zvinopfuura nemudumbu uye zvinobuda zvichipinda mugomba retsvina?
18 Asi zvinhu zvese zvinobuda mumuromo zvinobva mumwoyo, uye zvinhu izvozvo ndizvo zvinosvibisa munhu.+
19 Semuenzaniso, mumwoyo munobuda kufunga kwakaipa:+ umhondi, marudzi ese eupombwe,* umbavha, uchapupu hwenhema, kumhura.
20 Izvi ndizvo zvinhu zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kugezwa* hakusvibisi munhu.”
21 Achibva ipapo, Jesu akaenda kunharaunda yeTire neSidhoni.+
22 Uye mumwe mukadzi wechiFenikiya aigara munharaunda iyoyo akabva auya, akashevedzera achiti: “Ndinzwireiwo ngoni, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi. Mwanasikana wangu ane dhimoni riri kumutambudza.”+
23 Asi haana kumupindura kana shoko rimwe chete. Saka vadzidzi vake vakauya, vakatanga kumukumbira vachiti: “Mudzingei, nekuti ari kuramba achititevera achishevedzera.”
24 Akapindura kuti: “Handina kutumwa kune vamwe vanhu kunze kwemakwai akarasika eimba yaIsraeri.”+
25 Asi mukadzi wacho akasvika akamupfugamira, achiti: “Ishe, ndibatsireiwo!”
26 Akamupindura achiti: “Hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira mbwanana.”
27 Mukadzi wacho akati: “Hongu, Ishe, asi mbwanana dzinodyawo mafufu anodonha patafura yavanatenzi vadzo.”+
28 Jesu akabva amupindura kuti: “Imi amai, chokwadi kutenda kwenyu kukuru; ngazviitike kwamuri sezvamunoda.” Uye mwanasikana wake akapora kubvira panguva iyoyo.
29 Achibva ipapo, Jesu akasvika pedyo neGungwa reGarireya,+ uye akakwira mugomo akagara imomo.
30 Vanhu vakawanda vakasvika kwaari, vaine vanhu vaikamhina, vakaremara, mapofu, mbeveve, nevamwewo vazhinji, uye vakavaisa patsoka dzake, akavarapa.+
31 Saka vanhu vakawanda vakashamiswa, vakakudza Mwari waIsraeri pavakaona mbeveve dzichitaura, vakaremara vachiporeswa, vanokamhina vachifamba zvakanaka, uye mapofu achiona.+
32 Asi Jesu akashevedza vadzidzi vake, akati: “Ndiri kusiririswa nevanhu ava+ nekuti vatova nemazuva matatu vaineni uye havana chavadya. Handidi kuti vaende nenzara nekuti vangaziya munzira.”+
33 Asi vadzidzi vakati kwaari: “Chingwa chinokwana vanhu vakawanda kudai tingachiwana kupi munzvimbo ino iri kure nekunogara vanhu?”+
34 Jesu akabva ati kwavari: “Mune chingwa chakawanda sei?” Ivo vakati: “Zvingwa zvinomwe, nehove diki shomanana.”
35 Saka pashure pekuudza vanhu kuti vagare pasi,
36 akatora zvingwa zvacho zvinomwe nehove dzacho, akaonga, akazvimedura, akatanga kupa vadzidzi, uye vadzidzi vakazvipa vanhu.+
37 Vese vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvakasara zvikazadza matengu manomwe.+
38 Vakadya vaiva varume 4 000, uyewo vakadzi nevana.
39 Akazoendesa vanhu vacho, akapinda muchikepe, akasvika munharaunda yeMagadhani.+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, kugeza maererano netsika dzechitendero.
^ Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
^ Kureva, kugeza maererano netsika dzechitendero.