Mashoko Akanaka Akanyorwa naMateu 4:1-25
4 Jesu akabva atungamirirwa nemweya kuenda kurenje, kuti anoedzwa+ naDhiyabhorosi.+
2 Pashure pekunge atsanya kwemazuva 40 neusiku 40, akanga ava nenzara.
3 Uye Muedzi+ akauya akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza matombo aya kuti ave chingwa.”
4 Asi akapindura kuti: “Zvakanyorwa kuti: ‘Munhu haararami nechingwa chete, asi nemashoko ese anobuda mumuromo maJehovha.’”*+
5 Dhiyabhorosi akabva aenda naye muguta dzvene,+ akamumisa pamusoro perusvingo rwetemberi,*+
6 akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi, nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Acharayira ngirozi dzake pamusoro pako,’ uye, ‘Dzichakutakura mumaoko adzo, kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo.’”+
7 Jesu akati kwaari: “Zvakare zvakanyorwa kuti: ‘Usaedza Jehovha* Mwari wako.’”+
8 Dhiyabhorosi akaendazve naye kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwese hwenyika nekubwinya kwahwo.+
9 Uye akati kwaari: “Ndichakupa zvinhu zvese izvi kana ukapfugama wongondinamata kamwe chete.”
10 Jesu akabva ati kwaari: “Ibva, Satani! Nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Jehovha* Mwari wako ndiye waunofanira kunamata,+ uye ndiye ega waunofanira kuitira basa dzvene.’”+
11 Dhiyabhorosi akabva amusiya,+ ngirozi dzikauya, dzikatanga kumushumira.+
12 Paakanzwa kuti Johani akanga asungwa,+ akabva munzvimbo iyoyo ndokuenda kuGarireya.+
13 Achibva kuNazareta, akasvika akagara muKapenaume+ pedyo negungwa mumatunhu aZebhuroni neaNaftari,
14 kuti azadzise zvakataurwa nekumuprofita Isaya, uyo akati:
15 “Iwe nyika yaZebhuroni nenyika yaNaftari, munzira inoenda kugungwa, mhiri kwaJodhani, Garireya yemamwe marudzi!
16 Vanhu vanogara murima vakaona chiedza chikuru, uye vaya vanogara munharaunda yemumvuri werufu, vakavhenekerwa nechiedza.”+
17 Kubvira panguva iyoyo, Jesu akatanga kuparidza, achiti: “Pfidzai zvivi zvenyu, nekuti Umambo hwekudenga hwaswedera pedyo.”+
18 Paaifamba achitevedza Gungwa reGarireya, akaona mukoma nemunin’ina, Simoni, uyo anonzi Petro,+ naAndreya munin’ina wake, vachikanda mambure mugungwa, nekuti vaiva vabati vehove.+
19 Uye akati kwavari: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.”+
20 Vakabva vangosiya mambure avo, vakamutevera.+
21 Achibva ipapo, akaona vamwe vaviri vaiva mukoma nemunin’ina, Jakobho mwanakomana waZebhedhi nemunin’ina wake Johani.+ Vaiva muchikepe nababa vavo Zebhedhi, vachigadzira mambure avo, uye akavashevedza.+
22 Vakabva vangosiya chikepe chacho nababa vavo, vakamutevera.
23 Akabva atenderera Garireya+ yese, achidzidzisa mumasinagogi+ avo nekuparidza mashoko akanaka eUmambo, achirapa zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese pakati pevanhu.+
24 Siriya yese yakanzwa nezvake, uye vakamuunzira vanhu vese vaitambura nezvirwere zvakasiyana-siyana, nemarwadzo akasiyana-siyana,+ nevanhu vainge vakagarwa nemadhimoni,+ nevaiva nepfari,+ nevakanga vakaoma mutezo, uye akavarapa.
25 Izvi zvakaita kuti vanhu vakawanda vamutevere vachibva kuGarireya, Dhekaporisi,* Jerusarema, neJudhiya uye vachibva mhiri kwaJodhani.
Mashoko Emuzasi
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “panzvimbo yakakwirira kupfuura dzese yetemberi.”
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Ona Mashoko Ekuwedzera A5.
^ Kana kuti “Nharaunda Yemaguta Gumi.”