Mika 1:1-16
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Mika*+ wekuMoresheti raakapiwa achiita zvekuratidzwa, pamusoro peSamariya neJerusarema, mumazuva emadzimambo eJudha+ anoti Jotamu,+ Ahazi,+ naHezekiya:+
2 “Inzwai imi marudzi ese!
Teerera iwe nyika nezviri mauri,Uye Changamire Ishe Jehovha ngaave chapupu chinokupai mhosva,+Iye Jehovha uyo ari mutemberi yake tsvene.
3 Nekuti Jehovha ari kubuda achibva munzvimbo yake;Achaburuka otsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4 Makomo achanyunguduka pasi pake+Uye mapani achatsemuka,Sezvinoita namo yaiswa pamoto,Uye semvura iri kudururirwa pamawere.
5 Zvese izvi zvichaitika nemhaka yekupanduka kwaJakobho,Nemhaka yezvivi zveimba yaIsraeri.+
Ndiani akapandutsa Jakobho?
Haisi Samariya here?+
Ndiani akaita kuti Judha ave nenzvimbo dzakakwirira?+
Harisi Jerusarema here?
6 Ndichaita kuti Samariya isare yangova murwi wematombo panyika,Nzvimbo yekudyara mizambiringa;Ndichakanda matombo ayo mubani,Uye ndichasiya faundesheni yayo yava pachena.
7 Mifananidzo yayo yakavezwa ichaputswa-putswa yese,+Uye zvipo zvese zvayaipiwa semubhadharo* zvichapiswa nemoto.+
Ndichaparadza zvidhori zvayo zvese.
Nekuti yakazvipiwa ichibhadharwa upfambi hwayaiita,Uye zvichava mubhadharo wedzimwe pfambi.”
8 Ndichachema uye ndicharidza mhere nemhaka yeizvi;+Ndichafamba ndisina shangu uye ndisina kupfeka.+
Ndichaungudza sehunguhwe,*Uye ndichachema seshiri inonzi mhou.
9 Nekuti ronda rayo harirapiki;+Rasvika kuJudha chaiko.+
Denda racho rapararira kusvika kugedhi revanhu vangu, kuJerusarema.+
10 “Musazvizivisa muGati;Hamutombofaniri kuchema.
Umburukai muguruva, muBheti-afra.*
11 Endai musina kupfeka uye muchinyara imi vagari vemuShafiri.
Vagari vemuZaanani havana kubuda.
Muguta reBheti-ezeri mucharidzwa mhere, uye harizorambi richikubatsira.
12 Nekuti vagari vemuMaroti vakamirira kuti vawane zvinhu zvakanaka,Asi zvakaipa ndizvo zvakauya kugedhi reJerusarema zvichibva kuna Jehovha.
13 Sungai mabhiza pangoro, imi vagari vemuRakishi.+
Ndimi makaita kuti mwanasikana weZiyoni atange kutadza,Nekuti kupanduka kwaIsraeri kwakawanikwa mauri,+ iwe mwanasikana weZiyoni.
14 Saka uchapa Moresheti-gati zvipo zvekuonekana.
Madzimambo eIsraeri akazvinyengedza nekuvimba nedzimba dzekuAkzibhu.+
15 Ndichakuunzirai achakukundai*+ imi vagari vemuMarisha.+
Anokudzwa weIsraeri achasvika* kuAdhuramu.+
16 Zvigerei muparavara, musare musina bvudzi muchiitira vana venyu vamunoda kwazvo.
Zvigerei muparavara muite segondo,Nekuti matorerwa vana venyu vakaendeswa kuutapwa.”+
Mashoko Emuzasi
^ Uku kupfupikiswa kwezita rekuti Mikaeri (kureva kuti “Ndiani Akaita saMwari?) kana kuti Mikaya, (kureva kuti “Ndiani Akaita saJehovha?”).
^ Kana kuti “Uye zvese zvayaibhadharwa paupfambi hwayo.”
^ Iyi imhuka yakada kufanana negava.
^ Kana kuti “muimba yeAfra.”
^ Kana kuti “achakutorerai zvinhu.”
^ ChiHeb., “Kukudzwa kweIsraeri kuchasvika.”