Mika 4:1-13
4 Mumazuva ekupedzisira,*Gomo reimba yaJehovha+Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,Uye marudzi achadirana achienda kwariri.+
2 Marudzi mazhinji achaenda, oti:
“Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovhaUye kuimba yaMwari waJakobho.+
Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,Uye isu tichafamba mumakwara ake.”
Nekuti mutemo* uchabuda muZiyoni,Uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.
3 Achapa mutongo pakati pemarudzi mazhinji+Oruramisa* zvinhu pakati pemarudzi ari kure ane simba.
Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejoNemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.+
Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa,Uye havazodzidzi kurwa zvakare.+
4 Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake,+Uye hapana achaita kuti vatye,+Nekuti muromo waJehovha wemauto wataura.
5 Nekuti rudzi rumwe nerumwe ruchafamba nezita ramwari warwo,Asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu+ nariini nariini.
6 “Pazuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Ndichaunganidza vaya vaikamhina,Uye ndichaunganidza vaya vakapararira,+Pamwe chete nevaya vandakarwadzisa.
7 Ndichaita kuti pane vaya vaikamhina pave nevanosara,+Uye ndichaita kuti vaya vakaendeswa kure vave rudzi rune simba;+Uye Jehovha achava mambo wavo achivatonga ari muGomo reZiyoni,Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.
8 Asi iwe shongwe yekurinda zvipfuwo,*Chikomo chemwanasikana weZiyoni,+Umambo huchauya kwauri, ihwo umambo hwekutanga,*+Umambo hwemwanasikana weJerusarema.+
9 Zvino nei uri kushevedzera nenzwi riri pamusoro?
Hauna mambo here,Chipangamazano wako aparara here,Zvawava kutorwadziwa kudaro semukadzi ari kusununguka?+
10 Iwe mwanasikana weZiyoni, bhidhirika uye gomeraSemukadzi ari kusununguka,Nekuti iye zvino wava kubva muguta uchinogara musango.
Uchanosvika kuBhabhironi,+Uye uchanunurwa ikoko;+Jehovha achakudzikinura mumaoko evavengi vako ikoko.+
11 Zvino uchaunganirwa nemarudzi mazhinji;Achati, ‘Ngaasvibiswe,Uye regai maziso edu aone zvinhu izvi zvichiitika kuZiyoni.’
12 Asi iwo haazivi kuti Jehovha ari kufungei,Haanzwisisi chinangwa chake;Nekuti achaaunganidza sezvirimwa zvichangobva kuchekwa zviri kuendeswa paburiro.*
13 Simuka upure, iwe mwanasikana weZiyoni;+Nekuti ndichachinja nyanga dzako kuti dzive dzesimbi,Uye ndichachinja mahwanda ako kuti ave emhangura,Uye uchakuya marudzi mazhinji.+
Uchapa Jehovha pfuma yaiwanikwa nemarudzi acho achibiridzira,Uye uchapa zvinhu zvawo zvese kuna Ishe wechokwadi uye wenyika yese.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “Pakunopera kwemazuva acho.”
^ Kana kuti “murayiro.”
^ Kana kuti “Ogadzirisa.”
^ ChiHeb., “shongwe yezvipfuwo.”
^ Kana kuti “hwaimbovapo.”
^ Ona Tsanangudzo Yemashoko.