Mika 4:1-13

  • Gomo reimba yaJehovha rinokwidziridzwa (1-5)

    • Mapakatwa anoitwa miromo yemagejo (3)

    • “Tichafamba nezita raJehovha” (5)

  • Ziyoni richadzorerwa ropiwa simba (6-13)

4  Mumazuva ekupedzisira,*Gomo reimba yaJehovha+Richanyatsosimbiswa pamusoro pemakomo,Uye richakwidziridzwa kupfuura zvikomo,Uye marudzi achadirana achienda kwariri.+   Marudzi mazhinji achaenda, oti: “Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovhaUye kuimba yaMwari waJakobho.+ Iye achatirayiridza nezvenzira dzake,Uye isu tichafamba mumakwara ake.” Nekuti mutemo* uchabuda muZiyoni,Uye shoko raJehovha richabuda muJerusarema.   Achapa mutongo pakati pemarudzi mazhinji+Oruramisa* zvinhu pakati pemarudzi ari kure ane simba. Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejoNemapfumo avo kuti ave mapanga ekuchekerera miti.+ Rudzi haruzosimudziri rumwe rudzi bakatwa,Uye havazodzidzi kurwa zvakare.+   Mumwe nemumwe achagara pasi pemuzambiringa wake nepasi pemuonde wake,+Uye hapana achaita kuti vatye,+Nekuti muromo waJehovha wemauto wataura.   Nekuti rudzi rumwe nerumwe ruchafamba nezita ramwari warwo,Asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu+ nariini nariini.   “Pazuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,“Ndichaunganidza vaya vaikamhina,Uye ndichaunganidza vaya vakapararira,+Pamwe chete nevaya vandakarwadzisa.   Ndichaita kuti pane vaya vaikamhina pave nevanosara,+Uye ndichaita kuti vaya vakaendeswa kure vave rudzi rune simba;+Uye Jehovha achava mambo wavo achivatonga ari muGomo reZiyoni,Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.   Asi iwe shongwe yekurinda zvipfuwo,*Chikomo chemwanasikana weZiyoni,+Umambo huchauya kwauri, ihwo umambo hwekutanga,*+Umambo hwemwanasikana weJerusarema.+   Zvino nei uri kushevedzera nenzwi riri pamusoro? Hauna mambo here,Chipangamazano wako aparara here,Zvawava kutorwadziwa kudaro semukadzi ari kusununguka?+ 10  Iwe mwanasikana weZiyoni, bhidhirika uye gomeraSemukadzi ari kusununguka,Nekuti iye zvino wava kubva muguta uchinogara musango. Uchanosvika kuBhabhironi,+Uye uchanunurwa ikoko;+Jehovha achakudzikinura mumaoko evavengi vako ikoko.+ 11  Zvino uchaunganirwa nemarudzi mazhinji;Achati, ‘Ngaasvibiswe,Uye regai maziso edu aone zvinhu izvi zvichiitika kuZiyoni.’ 12  Asi iwo haazivi kuti Jehovha ari kufungei,Haanzwisisi chinangwa chake;Nekuti achaaunganidza sezvirimwa zvichangobva kuchekwa zviri kuendeswa paburiro.* 13  Simuka upure, iwe mwanasikana weZiyoni;+Nekuti ndichachinja nyanga dzako kuti dzive dzesimbi,Uye ndichachinja mahwanda ako kuti ave emhangura,Uye uchakuya marudzi mazhinji.+ Uchapa Jehovha pfuma yaiwanikwa nemarudzi acho achibiridzira,Uye uchapa zvinhu zvawo zvese kuna Ishe wechokwadi uye wenyika yese.”+

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “Pakunopera kwemazuva acho.”
Kana kuti “murayiro.”
Kana kuti “Ogadzirisa.”
ChiHeb., “shongwe yezvipfuwo.”
Kana kuti “hwaimbovapo.”