Mika 7:1-20
7 Maiwee kani! Ndakaita semunhu uya anotiKana michero yemuzhizha yaunganidzwa,Uye vanonhonga mazambiringa anenge asara pakukohwa vapedza,Anosvika oshaya sumbu remazambiringa rekudya,Kana onde rekutanga raanoda chaizvo.
2 Panyika hapasisina munhu akavimbika;Pavanhu hapana munhu akarurama.+
Vese zvavo vanohwandira vanhu kuti vadeure ropa.+
Munhu wese anovhima hama yake nemambure.
3 Vava shasha dzekuita zvakaipa nemaoko avo;+Muchinda ari kumanikidza vanhu kuti vamupe zvinhu,Mutongi anokumbira kubhadharwa,+Munhu wepamusorosoro anoita kuti vanhu vazive zvaanoda,+Uye vanozvironga* pamwe chete.
4 Munhu anoita zvakanaka kupfuura vese pakati pavo akaita seminzwa,Munhu akarurama kupfuura vese pakati pavo akaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa.*
Zuva remurindi wako nerekutongwa kwako richasvika.+
Uye vachavhunduka.+
5 Musavimba neshamwari dzenyuKana kuvimba neshamwari yepedyo.+
Ngwarira zvaunotaura kune uya anorara pachipfuva chako.
6 Nekuti mwanakomana ari kuzvidza baba vake,Mwanasikana ari kupandukira amai vake,+Uye muroora haasi kuwirirana navamwene vake;+Vavengi vemunhu vanhu vemumba make.+
7 Asi ini ndicharamba ndichitarisira kuna Jehovha.+
Ndichamirira Mwari weruponeso rwangu.*+
Mwari wangu achandinzwa.+
8 Rega kufarira dambudziko rangu iwe muvengi* wangu.
Ndakawira pasi asi ndichasimuka;Ndiri kugara murima, asi Jehovha achava chiedza changu.
9 Ndichatambura nehasha dzaJehovhaNekuti ndakamutadzira,+Ndichatambura nadzo kusvikira andirwira panyaya yangu oita kuti itongwe zvakanaka.
Achandiunza kuchiedza;Ndichaona kururama kwake.
10 Muvengi wangu achaonawo uye achanyara,Iye mukadzi uya wekuti kwandiri:
“Jehovha Mwari wako ari kupi?”+
Maziso angu achamutarisa.
Iye zvino achatsikwa-tsikwa semadhaka emumigwagwa.
11 Richava zuva rekuvaka masvingo ako ematombo;Zuva iroro nyika ichawedzerwa kukura kwayo.*
12 Zuva iroro vachauya kwauriVachibva kuAsiriya nekumaguta eIjipiti,Kubvira kuIjipiti kusvika kuRwizi;*Kubva kugungwa kusvika kugungwa, uye kubva kugomo kusvika kugomo.+
13 Nyika ichava dongo nemhaka yevagari vayo,Pamusana pezvavakaita.
14 Fudzai vanhu venyu nemudonzvo wenyu, iwo makwai enhaka yenyu,+Aya aigara ega musango, pakati pemunda wemichero.
Ngaafure muBhashani neGiriyedhi+ sezvaaimboita kare.
15 “Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa,Sepamazuva avakabuda munyika yeIjipiti.+
16 Marudzi achazviona onyara pasinei nesimba rese raainaro.+
Vachabata miromo yavo;Nzeve dzavo dzichavhara.
17 Vachananzva guruva senyoka;+Vachabuda vachidedera munhare* dzavo sezvinokambaira panyika.
Vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachidedera,Uye vachakutyai.”+
18 Ndoupi Mwari akaita semi,Anoregerera kukanganisa uye anoregerera kudarika+ kwevakasara pavanhu vake?*+
Haazorambi akatsamwa nekusingaperi,Nekuti anofarira rudo rusingachinji.+
19 Achatinzwira tsitsi zvakare;+ achatsikirira kukanganisa kwedu.
Muchakanda zvivi zvavo zvese pasi pegungwa.+
20 Muchava akatendeka kuna Jakobho,Mucharatidza rudo rusingachinji kuna Abrahamu,Sekupika kwamakaita kumadzitateguru edu kubvira kare.+
Mashoko Emuzasi
^ ChiHeb., “vanozviruka.”
^ Kana kuti “heji yeminzwa.”
^ Kana kuti “Ndichamirira Mwari weruponeso rwangu nemwoyo murefu.”
^ MuchiHebheru, shoko rakashandurwa kuti “muvengi” rinoratidza kuti muvengi wacho munhukadzi.
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “murau uchava kure.”
^ Kureva, Yufratesi.
^ Iyi inzvimbo yaishandiswa kuhwanda uchitiza muvengi.
^ ChiHeb., “panhaka yake?”