Muparidzi 10:1-20

  • Upenzi hushoma hunovharidzira uchenjeri (1)

  • Zvakaipira kusaita zvinhu nemazvo (2-11)

  • Matambudziko anosangana nebenzi (12-15)

  • Upenzi hwevamwe vatongi (16-20)

    • Shiri inogona kudzokorora mashoko ako (20)

10  Sezvo nhunzi dzakafa dzichiita kuti mafuta akasanganiswa zvakanaka anhuhwe uye apupume, upenzi hushoma hunovharidzira uchenjeri nekukudzwa.+  Mwoyo wemunhu akachenjera unomutungamirira munzira yakarurama,* asi mwoyo webenzi unoritungamirira munzira isina kururama.*+  Benzi parinofamba munzira chero ipi zvayo, rinenge risina pfungwa,+ uye rinoita kuti munhu wese azive kuti ibenzi.+  Kana mutongi akakuitira hasha, usabva panzvimbo yako,+ nekuti unyoro hunodzikamisa zvivi zvikuru.+  Pane chimwe chinhu chinotambudza chandakaona pasi pezuva, chinokanganiswa nevaya vane masimba:+  Upenzi hunoiswa munzvimbo zhinji dzakakwirira, asi vapfumi vanoramba vari munzvimbo dzakaderera.  Ndakaona varanda vari pamabhiza asi machinda achifamba netsoka sevaranda.+  Munhu anochera gomba anogona kuwira mariri;+ uye munhu anoputsa rusvingo rwematombo anogona kurumwa nenyoka.  Munhu anochera matombo anogona kukuvadzwa nawo, uye munhu anotsemura matanda anogona kukuvadzwa nawo.* 10  Kana mudziyo wesimbi wakagomara uye munhu akasaurodza, achaisa simba rakawanda pakuushandisa. Asi uchenjeri hunobatsira kuti munhu abudirire. 11  Kana nyoka ikaruma isati yaitirwa mashiripiti, hazvina zvazvinobatsira kumunhu wacho anoita zvemashiripiti.* 12  Mashoko anobva mumuromo memunhu akachenjera anoita kuti afarirwe,+ asi miromo yebenzi ndiyo inoriparadza.+ 13  Mashoko anotanga kubuda mumuromo maro ndeeupenzi,+ uye mashoko arinopedzisira kutaura ndeekupenga kunoparadza. 14  Asi benzi rinoramba richingotaura.+ Munhu haazivi zvichaitika; ndiani angamuudza zvichauya kana asisipo?+ 15  Kushanda nesimba kunoita benzi kunorinetesa, nekuti haritombozivi kuti rinoenda sei kuguta. 16  Nyika iri munhamo chaiyo kana mambo wacho ari mukomana+ uye machinda acho achitofumira kuita mabiko! 17  Nyika inofara chaizvo kana mambo wacho ari mwanakomana wekuimba huru uye machinda acho achidya panguva yakakodzera kuti ave nesimba, kwete kuti adhakwe!+ 18  Usimbe hwakanyanyisa hunoita kuti mapango edenga remba awire mukati, uye kugarira maoko kunoita kuti imba ipinde mvura.+ 19  Chingwa ndechekuti* vanhu vaseke, uye waini inoita kuti upenyu hunakidze;+ asi mari ndiyo inoshanda pazvinhu zvese.+ 20  Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako,*+ uye usatuka mupfumi uri muimba yako yekurara; nekuti shiri* inogona kutakura inzwi racho,* kana kuti chisikwa chine mapapiro chinogona kudzokorora zvakataurwa.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “uri kuruoko rwake rwerudyi.”
ChiHeb., “uri kuruoko rwaro rweruboshwe.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “anofanira kuangwarira.”
ChiHeb., “kunyanzvi yerurimi.”
Kana kuti “Zvekudya ndezvekuti.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kunyange uri pamubhedha wako.”
ChiHeb., “chisikwa chinobhururuka chekudenga.”
Kana kuti “mashoko acho.”