Muparidzi 6:1-12

  • Kuva nezvakawanda usingafari (1-6)

  • Fadzwa nezvinhu zvaunazvo iye zvino (7-12)

6  Pane rimwezve dambudziko randakaona pasi pezuva, uye rinogara richisangana nevanhu:  Mwari wechokwadi anopa munhu pfuma nezvinhu zvekurarama nazvo nekukudzwa, zvekuti haana chaanoshaya pazvinhu zvaanoda;* asi Mwari wechokwadi haaiti kuti afadzwe nazvo, asi anoita kuti mumwewo munhu afadzwe nazvo. Izvi hazvina zvazvinobatsira uye zvinotambudza chaizvo.  Kana murume akava nevana zana uye akararama kwemakore akawanda osvika pakukwegura, asi asingafadzwi* nezvinhu zvake zvakanaka asati asvika kuguva,* ndinoti mwana anozvarwa akafa ari nani kumupfuura.+  Nekuti iye akauyira pasina uye akaenda murima, uye zita rake rakaputirwa murima.  Kunyange zvazvo asina kumboona zuva uye asina kana chaaiziva, ari nani* pane uya wekutanga.+  Zvinobatsirei kurarama zviuru zvemakore zvakapetwa kaviri asi pasina mufaro? Vese havaendi kunzvimbo imwe chete here?+  Kushanda nesimba kwese kunoitwa nemunhu, anenge achiitira muromo wake;+ asi anongoramba achida kudya.*  Nekuti munhu akachenjera anopfuura benzi pachii,+ uye zvinobatsirei kana murombo achiziva zvekuita kuti ararame?*  Zviri nani kufadzwa nezvinoonekwa nemaziso pane kuda zvinhu zvausingakwanisi kuva nazvo.* Izviwo hazvina zvazvinobatsira, kudzingana nemhepo. 10  Chinhu chese chiripo chagara chakapiwa zita, uye zvinozivikanwa kuti munhu chii; uye haagoni kuitisana nharo neuya* ane simba kumupfuura. 11  Kuwanda kwemashoko,* ndikowo kuwanda kwekusabatsira kwawo; uye munhu angabatsirwei nawo? 12  Ndiani anoziva zvakanyatsonakira munhu kuti aite muupenyu pamazuva mashoma eupenyu hwake husina zvahunobatsira, anopfuura semumvuri?+ Nekuti ndiani angaudza munhu zvichazoitika pasi pezuva kana aenda?

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “zvinodiwa nemweya wake.”
Kana kuti “mweya wake usingafadzwi.”
Kana kuti “uye kunyange guva risati rava rake.”
ChiHeb., “ane zororo.”
Kana kuti “mweya wake haugutswi.”
ChiHeb., “afambe pamberi pevapenyu.”
Kana kuti “pane kufamba-famba kwemweya.”
Kana kuti “kumiririra nyaya yake pamberi peuya.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “kwezvinhu.”