Muparidzi 8:1-17
8 Ndiani akafanana nemunhu akachenjera? Ndiani anoziva kuti dambudziko rinogadziriswa sei?* Uchenjeri hwemunhu hunojekesa chiso chake, uye hunoita kuti chiso chake chakasungika chisununguke.
2 Ndinoti: “Teerera mirayiro yamambo+ nekuti wakaita mhiko pamberi paMwari.+
3 Usakurumidza kubva pamberi pake.+ Usamira uchitsigira chakaipa;+ nekuti anogona kuita chero zvaanoda,
4 nekuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo;+ ndiani angati kwaari, ‘Muri kuitei?’”
5 Munhu anochengeta murayiro haana chinomuwana,+ uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yekuita chinhu uye nzira yacho yekuchiita.*+
6 Nekuti nyaya imwe neimwe ine nguva yayo uye magadzirisirwo ayo,*+ nekuti matambudziko evanhu akawandisa.
7 Hapana anoziva zvichaitika, saka ndiani angamuudza kuti zvichaitika sei?
8 Sezvo pasina munhu ane simba rekutonga simba reupenyu* kana kuti anogona kudzora simba reupenyu, hapanawo ane simba pamusoro pezuva rekufa.+ Sezvo pasina munhu anobvumirwa kudzokera kumba hondo iri pakati, uipi hahuzosiyiwo vaya vanohuita vachipukunyuka.*
9 Zvese izvi ndakazviona, uye ndakaisa mwoyo wangu pamabasa ese aiitwa pasi pezuva, munhu achitonga munhu achimubata zvakaipa.*+
10 Uye ndakaona vakaipa vachivigwa, vaya vaimbopinda nekubuda munzvimbo tsvene, asi pasina nguva, vakanga vasisayeukwi muguta mavaiita izvozvo.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.
11 Sezvo mutongo wezvakaipa usina kukurumidza kupiwa,+ mwoyo yevanhu inobva yashingiswa kuita zvakaipa.+
12 Kunyange zvazvo mutadzi angaita zvakaipa kane zana orarama kwenguva refu, ini ndinoziva kuti zvichafambira zvakanaka vaya vanotya Mwari wechokwadi, nekuti vanomutya.+
13 Asi hazvizombofambiri zvakanaka munhu akaipa,+ uye haazowedzeri mazuva ake akaita semumvuri,+ nekuti haatyi Mwari.
14 Pane zvinhu zvisina zvazvinobatsira* zvinoitika panyika: Kune vanhu vakarurama vanobatwa sekuti vakaita zvakaipa,+ uye kune vanhu vakaipa vanobatwa sekuti vakaita zvakarurama.+ Ndinoti izviwo hazvina zvazvinobatsira.
15 Saka ini ndakati zviri nani kufara,+ nekuti hapana chinhu chiri nani pasi pezuva kupfuura kuti munhu adye, anwe uye afare; izvi ndizvo zvaanofanira kuita paanenge achishanda nesimba mumazuva eupenyu hwake,+ aanopiwa naMwari wechokwadi pasi pezuva.
16 Ndakaita kuti mwoyo wangu uve neuchenjeri uye uone basa rese riri kuitwa panyika,+ ndichitotadza kurara siku nesikati.*
17 Ndakabva ndafunga nezvebasa rese raMwari wechokwadi, ndikaona kuti vanhu havagoni kunzwisisa zvinoitika pasi pezuva.+ Pasinei nekuti vanhu vanoedza zvakadii, havagoni kuzvinzwisisa. Kunyange vachizviti vakachenjera zvekukwanisa kuziva, havakwanisi kunyatsozvinzwisisa.+
Mashoko Emuzasi
^ Kana kuti “kududzirwa kwenyaya?”
^ Kana kuti “uye mutongo wacho.”
^ Kana kuti “mutongo wayo.”
^ Kana kuti “mhepo yekufema; mweya.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “uipi hwavo hahukwanisi kununura vakaipa.”
^ Kana kuti “achimukuvadza.”
^ Kana kuti “zvinotsamwisa.”
^ Dzimwe shanduro dzinoti, “kuti vanhu havarari angava masikati kana usiku.”