Nahumi 2:1-13
2 Munhu anoita kuti vanhu vapararire auya kuzokurwisa.*+
Rinda masvingo.
Ramba wakarinda mugwagwa.
Gadzirira* uye koka simba rako rese.
2 Nekuti Jehovha achaita kuti Jakobho akudzwe sezvaaimboitwa,Uye achaitawo kuti Israeri akudzwe zvakare,Nekuti vaparadzi vakavaparadza;+Uye vakaparadza nhungirwa dzavo.
3 Nhoo dzevarume vake vane simba dzakaiswa ruvara rutsvuku,Varwi vake vane simba vakapfeka nguo tsvuku.
Pazuva raanogadzirira kurwa,Simbi dzepangoro dzake dzehondo dzinopenya semoto,Uye mapfumo ake akagadzirwa nemijunipa anovheyeswa-vheyeswa.
4 Ngoro dzehondo dzinomhanya zvekupengereka mumigwagwa.
Dzinokwidza nekudzika mumisika.
Dzinopenya semwenje uye dzinopenya semheni.
5 Achashevedza vakuru vakuru pavanhu vake.
Vachagumburwa pavanenge vachienda.
Vanomhanyira kurusvingo rwake;Vanoisa zvekuvhariridza muvengi.
6 Magedhi enzizi achavhurwa,Uye muzinda uchanyungudutswa.*
7 Nyaya yacho yasarudzwa: Asiyiwa asina kupfeka,Aendwa naye, uye varandasikana vake vari kuchema;Vari kuchema senjiva vachizvirova zvipfuva.
8 Pamazuva ayo ese, Ninivhi+ yaiva yakaita sedziva remvura,Asi iye zvino vari kutiza.
“Mirai! Mirai!”
Asi hapana ari kutendeuka.+
9 Pambai sirivha, pambai goridhe!
Pfuma yacho haiperi.
Yakachengetwa pamwe chete nezvinhu zvakasiyana-siyana zvinokosha.
10 Guta racho harisisina chinhu, zvinhu zvese zvatorwa, raparadzwa!+
Mwoyo yavo yapera nekutya, mabvi avo apera simba, hudyu dzavo dziri kudedera;Zviso zvavo vese zviri kunetseka.
11 Iri kupi nzvimbo iya inogara shumba,+ muya munodyirwa neshumba dzine simba,*Muya munobuda shumba ichitungamirira mwana wayo,Pasina anodzivhundutsa?
12 Shumba yacho yaibvambura-bvambura mhuka dzaikwana kudyiwa nevana vayoUye yaiuraya mhuka ichipa hadzi dzayo.
Yaiita kuti mumapako ayo murambe makazara mhuka dzayaibata,Uye mainogara murambe makazara nemhuka dzakabvamburwa-bvamburwa.
13 “Inzwa! Ndiri kukurwisa,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto,+“Ndichapisira ngoro dzake dzehondo pakati peutsi,+Uye bakatwa richaparadza shumba dzako dzine simba.*
Ndichaita kuti ushaye mhuka dzekubata panyika,Uye inzwi renhume dzako harizonzwikizve.”+
Mashoko Emuzasi
^ Kureva, Ninivhi.
^ ChiHeb., “Simbisa hudyu.”
^ Kana kuti “uchawa.”
^ Kana kuti “neshumba dzava nezenze.”
^ Kana kuti “shumba dzava nezenze.”