Numeri 11:1-35

  • Kugunun’una kunoita kuti moto ubve kuna Mwari (1-3)

  • Vanhu vanochemera nyama (4-9)

  • Mozisi anonzwa seasina kukodzera kutungamirira vanhu (10-15)

  • Jehovha anopa vakuru 70 mweya wake (16-25)

  • Eridhadhi naMedhadhi; Joshua anoudza Mozisi kuti avarambidze kuprofita (26-30)

  • Vanhu vanopiwa zvihuta; vanorangirwa makaro (31-35)

11  Vanhu vakatanga kunyunyuta zvikuru pamberi paJehovha. Jehovha paakazvinzwa akatsamwa kwazvo, uye moto wakabva kuna Jehovha wakatanga kubvira pakati pavo uye wakaparadza vamwe vaiva kumucheto kwemusasa.  Vanhu pavakatanga kuchema kuna Mozisi, iye akateterera Jehovha,+ moto wacho ukadzima.  Saka nzvimbo iyoyo yakatumidzwa kuti Tabhera,* nekuti moto waJehovha wakanga wabvira pakati pavo.+  Boka revamwe vakasiyana-siyana*+ raiva pakati pavo rakatanga kuratidza kuti raiva nemakaro,+ naivowo vaIsraeri vakatanga kuchema zvakare vachiti: “Ndiani achatipa nyama yekudya?+  Tava kufunga hove dzataidya muIjipiti tisingatengi, tichidyawo magaka, manwiwa, rikisi, hanyanisi, negariki!+  Asi iye zvino tava* kupera simba. Hapana kana chatichiri kuona kunze kwemana+ iyi.”  Mana+ yacho yakanga yakaita sembeu yekoriyanda,+ ichiratidzika senamo yedheriyamu.  Vanhu vaipararira voinhonga, voikuya pamakuyo kana kuidzvura mumaturi. Vaizoibikira muhari kana kuigadzirisa zvingwa zveraundi,+ uye yainaka sekeke rinotapira rakabikwa nemafuta.  Paidonha dova pamusasa usiku, mana yacho yaibva yadonhawo.+ 10  Mozisi akanzwa vanhu vachichema, mhuri dzese, munhu mumwe nemumwe ari pasuo retende rake. Uye Jehovha akatsamwa kwazvo,+ uye Mozisi akagumbukawo zvikuru. 11  Mozisi akabva ati kuna Jehovha: “Muri kutambudzireiko muranda wenyu? Nei musina kundinzwirawo nyasha, zvamuri kundipa mutoro wekutakura vanhu vese ava?+ 12  Ndini amai vevanhu vese ava here? Ndini ndakavabereka here, zvekuti muri kunditi, ‘Vatakure mumaoko ako, sekutakura kunoita mureri* mwana anoyamwa,’ kuti ndiende navo kunyika yamakapikira madzitateguru avo?+ 13  Nyama yekupa vanhu vese ava ndinoiwanepi? Nekuti vari kuramba vachindichemera, vachiti, ‘Tipe nyama tidye!’ 14  Handikwanisi kutakura vanhu vese ava ndiri ndega; zviri kundiremera.+ 15  Kana ari iwo mabatiro amuchandiita, ndiurayei henyu iye zvino chaiye.+ Kana mandinzwira nyasha, musaita kuti ndirambe ndichiona mamwe matambudziko.” 16  Jehovha akapindura Mozisi achiti: “Ndiunganidzire varume 70 pavakuru vaIsraeri, varume vaunoziva kuti vakuru uye vatungamiriri vevanhu,+ uende navo kutende rekusanganira, woita kuti vamire ipapo newe. 17  Ndichaburuka,+ ndotaura newe ipapo,+ uye ndichatora mumwe mweya+ wangu uri pauri ndouisa pavari, uye vachakubatsira kutakura mutoro wevanhu vacho kuti urege kuutakura wega.+ 18  Unofanira kuudza vanhu kuti, ‘Zvitsvenesei kuitira mangwana,+ nekuti muchadya nyama, sezvo makachema Jehovha achinzwa+ muchiti: “Ndiani achatipa nyama yekudya? KuIjipiti kwaive nani.”+ Jehovha achakupai nyama, modya.+ 19  Muchaidya, kwete kwezuva rimwe chete, kana mazuva maviri, kana mashanu kana 10 kana 20, 20  asi kwemwedzi wese, kusvikira yava kubuda nemumhino dzenyu uye yava kukusemesai,+ nekuti makaramba Jehovha, uyo ari pakati penyu, uye makachema pamberi pake, muchiti: “Takabvirei kuIjipiti?”’”+ 21  Mozisi akabva ati: “Vanhu vandiri pakati pavo varume 600 000+ vanofamba netsoka, asi imi mati, ‘Ndichavapa nyama inovakwanira, vodya kwemwedzi wese’! 22  Kunyange kana makwai ese nemombe dzese zvikaurayiwa, vangakwana here? Kana kuti kunyange hove dzese dzegungwa dzikabatwa, vangakwana here?” 23  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Ruoko rwaJehovha rwakapfupika here?+ Iye zvino uchaona kana zvandiri kutaura zvichaitika kwauri kana kuti kwete.” 24  Saka Mozisi akabuda, akaudza vanhu mashoko aJehovha. Akaunganidza varume 70 pavakuru vevanhu, uye akaita kuti vamire vakapoteredza tende.+ 25  Jehovha akabva aburuka ari mugore,+ akataura naye,+ uye akabvisa mumwe mweya+ wake wakanga uri pana Mozisi, akauisa pane mumwe nemumwe wevakuru 70. Uye mweya wacho pawakangogara pavari, vakabva vatanga kuita sevaprofita,*+ asi havana kuzozviita zvakare. 26  Paiva nevarume vaviri vakanga vachiri mumusasa. Vainzi Eridhadhi naMedhadhi. Uye mweya wacho wakatanga kugara pavari sezvo vaiva vamwe vevaya vakanyorwa mazita avo, asi vakanga vasina kuenda kutende. Saka vakatanga kuita sevaprofita vari mumusasa. 27  Uye mumwe mukomana akamhanya akanoudza Mozisi kuti: “Eridhadhi naMedhadhi vari kuita sevaprofita mumusasa!” 28  Paakanzwa izvozvo, Joshua+ mwanakomana waNuni, mushumiri waMozisi kubvira achiri mudiki, akabva ati: “Ishe wangu Mozisi, varambidzei!”+ 29  Asi Mozisi akati kwaari: “Asi uri kurwadziwa kuti ini ndichanzwa sei? Ndinotoshuva kuti dai vanhu vese vaJehovha vaiva vaprofita, nekuti Jehovha aizoisa mweya wake pavari!” 30  Mozisi akazodzokera kumusasa pamwe nevakuru vaIsraeri. 31  Jehovha akatuma mhepo ikasimuka ikatanga kuunza zvihuta kubva kugungwa ichiita kuti zvidonhe zvichipoteredza musasa,+ nzvimbo ingaita rwendo rwezuva rimwe chete kuenda uku uye rwendo rwezuva rimwe chete kune rimwe divi, zvakapoteredza musasa wese, uye zvakanga zvakawanda zvekuda kusvika makubhiti* maviri kubva pasi. 32  Saka musi iwoyo vanhu vakaswera vachiunganidza zvihuta ndokurara vachiunganidza uye mangwana acho vakaramba vachizviunganidza. Hapana akaunganidza zviri pasi pemahomeri* 10, uye vakaramba vachizviyanika mumusasa wese. 33  Asi nyama ichiri mukanwa mavo, vasati vatomboitsenga, Jehovha akatsamwira vanhu kwazvo, uye Jehovha akatanga kurova vanhu akauraya vakawanda.+ 34  Saka vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Kibroti-hataavha,*+ nekuti ndipo pavakaviga vanhu vakaratidza makaro.+ 35  Vachibva paKibroti-hataavha vanhu vakasimuka vachienda kuHazeroti, uye vakaramba vari paHazeroti.+

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Kubvira.”
Vanofanira kunge vaiva vanhu vasiri vaIsraeri vaiva pakati pavo.
Kana kuti “mweya yedu yava.”
Kana kuti “mureri wechirume.”
Kana kuti “vakatanga kuprofita.”
Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Homeri uwandu hwaizadza midziyo 10 yemarita 22. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kureva kuti “Makuva Evanhu Vanokara.”