Numeri 19:1-22

  • Mombe tsvuku nemvura yekuchenesa (1-22)

19  Jehovha akataurazve naMozisi naAroni, achiti:  “Uyu ndiwo mutemo wakapiwa naJehovha, ‘Udza vaIsraeri kuti vanofanira kukutorera mhou tsvuku yakanaka isina kuremara+ uye isina kumbosungwa pajoko.  Munofanira kuipa mupristi Eriyezari, uye iye achaibudisa kunze kwemusasa, yourayirwa pamberi pake.  Mupristi Eriyezari achabva atora rimwe ropa rayo nemunwe wake, orisasa kanomwe akananga mberi kwetende rekusanganira.+  Mhou yacho ichabva yapiswa iye achizviona. Dehwe rayo nenyama yayo neropa rayo pamwe chete nendove yayo zvichapiswa.+  Uye mupristi achatora kabazi kemusidhari, hisopi,+ neshinda tsvuku, ozvikanda mumoto muri kupiswa mhou yacho.  Mupristi achabva ageza nguo dzake, ogeza muviri* nemvura, uye kana adaro anogona hake kupinda mumusasa; asi mupristi wacho achava asina kuchena kusvikira manheru.  “‘Munhu apisa mhou yacho achageza nguo dzake nemvura, ogeza muviri* nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.  “‘Munhu akachena achaunganidza madota emhou+ yacho, oaisa kunze kwemusasa munzvimbo yakachena, uye madota acho anofanira kuchengetwa neungano yevaIsraeri kuti vazoashandisa pakugadzirisa mvura yekuchenesa+ nayo. Icho chibayiro chechivi. 10  Munhu uya anenge aunganidza madota emhou yacho achageza nguo dzake ova asina kuchena kusvikira manheru. “‘Uyu uchava murau unogara uripo kuvaIsraeri nekumutorwa ari kugara pakati pavo.+ 11  Munhu wese anobata munhu akafa* achavawo asina kuchena kwemazuva manomwe.+ 12  Munhu wacho anofanira kuzvinatsa nemvura yacho pazuva rechitatu, uye pazuva rechinomwe achava akachena. Asi kana akasazvinatsa pazuva rechitatu, pazuva rechinomwe anenge asina kuchena. 13  Munhu wese anobata chero chitunha chemunhu orega kuzvinatsa, asvibisa tebhenekeri+ yaJehovha, uye munhu iyeye anofanira kubviswa* pakati paIsraeri.+ Iye anoramba asina kuchena nekuti haana kusaswa mvura yekuchenesa+ nayo. Kusachena kwake kunoramba kuri paari. 14  “‘Uyu ndiwo mutemo unoshanda kana munhu akafira mutende: Munhu wese anopinda mutende racho uye munhu wese agara ari mutende racho achava asina kuchena kwemazuva manomwe. 15  Mudziyo wese wakavhurika, usina chivharo chakasungirirwa pauri, hauna kuchena.+ 16  Munhu wese ari kusango anobata munhu akaurayiwa nebakatwa kana chitunha kana pfupa remunhu kana guva achava asina kuchena kwemazuva manomwe.+ 17  Vanofanira kutorera munhu asina kuchena mamwe madota echibayiro chechivi chakapiswa, voaisa mumudziyo, voadira mvura yakachena. 18  Munhu akachena+ achabva atora hisopi+ oinyika mumvura, oisasa pamusoro petende nepamidziyo yese nepavanhu vese vanga varipo uye pamunhu akabata pfupa kana akabata munhu akaurayiwa kana akabata chitunha kana guva. 19  Munhu akachena achaisasa pamusoro pemunhu asina kuchena pazuva rechitatu nepazuva rechinomwe, uye achamunatsa pachivi pazuva rechinomwe;+ munhu wacho achabva ageza nguo dzake, ogeza muviri, uye achava akachena manheru. 20  “‘Asi munhu asina kuchena akarega kuzozvinatsa, munhu iyeye anofanira kubviswa* pakati peungano,+ nekuti asvibisa nzvimbo tsvene yaJehovha. Haana kusaswa mvura yekuchenesa nayo, saka haana kuchena. 21  “‘Uyu uchava murau unogara uripo kwavari: Munhu anosasa mvura yekuchenesa+ nayo anofanira kugeza nguo dzake, uye uya anobata mvura yekuchenesa nayo achava asina kuchena kusvikira manheru. 22  Chinhu chese chinobatwa nemunhu asina kuchena chichava chisina kuchena, uye munhu anochibata achava asina kuchena kusvikira manheru.’”+

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “nyama yake.”
ChiHeb., “nyama yake.”
Kana kuti “chitunha chemweya wemunhu.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “mweya iwoyo unofanira kuurayiwa.”
Kana kuti “kuurayiwa.”