Numeri 21:1-35

  • Mambo weAradhi anokundwa (1-3)

  • Nyoka yemhangura (4-9)

  • VaIsraeri vanonyenyeredza Moabhi (10-20)

  • Mambo Sihoni wevaAmori anokundwa (21-30)

  • Mambo Ogi wevaAmori anokundwa (31-35)

21  Mambo weAradhi+ wechiKenani, aigara muNegebhu, paakanzwa kuti vaIsraeri vakanga vauya nenzira yekuAtarimu, akarwisa vaIsraeri, akatapa vamwe vavo.  Saka Israeri akapika kuna Jehovha achiti: “Kana mukaisa vanhu ava muruoko rwangu, ndichatoti ndiparadze maguta avo chete.”  Saka Jehovha akateerera inzwi raIsraeri akavapa vaKenani, uye vakavaparadza pamwe nemaguta avo. Vakabva vatumidza nzvimbo yacho kuti Homa.*+  Pavaienderera mberi nerwendo rwavo vachibva paGomo reHori+ vachienda nenzira yekuGungwa Dzvuku kuti vapoterere nyika yeEdhomu,+ vanhu vakatanga kuneta nerwendo.  Vanhu vakaramba vachipopotera Mwari naMozisi,+ vachiti: “Makatibudisa muIjipiti kuti tifire murenje here? Muno hamuna zvekudya uye hamuna mvura,+ uye tasvika* pakuvenga* chingwa ichi chinosembura.”+  Saka Jehovha akatuma nyoka dzine uturu pakati pevanhu, uye dzairuma vanhu vacho, zvekuti vaIsraeri vazhinji vakafa.+  Saka vanhu vakauya kuna Mozisi, vakati: “Tatadza nekupopotera kwataita Jehovha nemi.+ Tikumbirirei Jehovha kuti atiregererewo abvise nyoka patiri.” Uye Mozisi akakumbirira vanhu kuti varegererwe.+  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Gadzira mufananidzo wenyoka ine uturu uiise pabango. Kana munhu akarumwa, achafanira kuitarisa kuti arambe ari mupenyu.”  Mozisi akabva agadzira nyoka yemhangura,+ akaiisa pabango,+ zvekuti pese pairumwa munhu, akatarisa nyoka yacho yemhangura, airamba ari mupenyu.+ 10  Pashure paizvozvo vaIsraeri vakasimuka, vakanodzika musasa kuObhoti.+ 11  Vakabva vasimuka kuObhoti vakanodzika musasa kuIye-abharimu,+ murenje rakatarisana neMoabhi, nechekumabvazuva. 12  Vakabva ipapo vakanodzika musasa pedyo neBani reZeredhi.*+ 13  Vakasimuka ipapo vakanodzika musasa munharaunda yeAnoni,+ iri murenje rinobvira pamuganhu wevaAmori, nekuti Anoni ndiwo waiva muganhu weMoabhi, pakati peMoabhi nevaAmori. 14  Ndokusaka bhuku reHondo dzaJehovha richitaura “nezveVhahebhu iri muSufa uye mapani eAnoni,* 15  nemateru emumapani,* anosvika kune Ari achinobatana nemuganhu weMoabhi.” 16  Vakabva ipapo vakaenda kuBheeri. Iri ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mozisi: “Unganidza vanhu kuti ndivape mvura.” 17  Panguva iyoyo Israeri akaimba rwiyo urwu: “Haiwa iwe tsime, tubuka! Riimbirei! 18  Tsime rakacherwa nemachinda, rakacherwa nemakurukota evanhu,Netsvimbo yemutungamiriri, netsvimbo dzavo.” Vachibva murenje vakaenda kuMatana, 19  vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, uye vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti.+ 20  Vachibva kuBhamoti vakaenda kubani riri munyika yeMoabhi,+ kumusoro kwePisga,+ yakatarisana neJeshimoni.*+ 21  Israeri akabva atuma nhume kuna Sihoni, mambo wevaAmori, achiti:+ 22  “Tibvumireiwo kupfuura nemunyika yenyu. Hatizotsaukiri muminda yembesa kana yemizambiringa. Hatizonwi kana mvura yemumatsime. Tichafamba neMugwagwa Wamambo kusvikira tapfuura munyika yenyu.”+ 23  Asi Sihoni haana kubvumira Israeri kupfuura nemunyika yake. Akatounganidza vanhu vake vese, akaenda kunorwisana naIsraeri murenje, akasvika kuJahazi, akatanga kurwa naIsraeri.+ 24  Asi Israeri akamukunda nebakatwa,+ akatora nyika yake+ kubvira kuAnoni+ kusvikira kuJabhoki,+ pedyo nevaAmoni, nekuti Jazeri+ ndiyo inoganhura nyika yevaAmoni.+ 25  Saka Israeri akatora maguta aya ese, uye akatanga kugara mumaguta ese evaAmori,+ muHeshbhoni nemumaguta ese madiki akaipoteredza. 26  Nekuti Heshbhoni raiva guta raSihoni, mambo wevaAmori, akanga arwa namambo weMoabhi, akamutorera nyika yake yese kusvikira kuAnoni. 27  Izvi ndizvo zvakazoita kuti pave nechirevo chekunyomba chekuti: “Uyai kuHeshbhoni. Guta raSihoni ngarivakwe, rimiswe zvakasimba. 28  Nekuti moto wakabuda muHeshbhoni, rimi rakabuda muguta raSihoni. Wakaparadza Ari yeMoabhi, madzishe enzvimbo dzakakwirira dzeAnoni. 29  Une nhamo, iwe Moabhi! Muchaparadzwa, imi vanhu vaKemoshi!+ Anoita kuti vanakomana vake vadzungaire nenyika uye vanasikana vake vave nhapwa dzaSihoni, mambo wevaAmori. 30  Ngativapfurei;Heshbhoni ichaparadzwa kusvikira kuDhibhoni;+Ngatiiitei matongo kusvikira kuNofa;Moto uchapararira kusvikira kuMedhebha.”+ 31  Saka Israeri akatanga kugara munyika yevaAmori. 32  Mozisi akabva atuma vamwe varume kunosora* Jazeri.+ Vakatora maguta madiki akanga akaipoteredza, vakadzinga vaAmori vaiva imomo. 33  Pashure paizvozvo vakaenda neNzira yeBhashani. Uye Ogi+ mambo weBhashani akabuda nevanhu vake vese kuzorwisana navo kuEdrei.+ 34  Jehovha akati kuna Mozisi: “Usamutya,+ nekuti ndichamuisa muruoko rwako+ pamwe nevanhu vake vese nenyika yake, uye uchamuita zvawakaita Sihoni mambo wevaAmori, aigara muHeshbhoni.”+ 35  Saka vakaramba vachivauraya pamwe nevanakomana vake nevanhu vake vese, kusvikira pasisina akasara,+ uye vakatora nyika yake.+

Mashoko Emuzasi

Kureva kuti “Kutsaurwa Kuti Vaparadzwe.”
Kana kuti “mweya yedu yasvika.”
Kana kuti “pakusema.”
Kana kuti “neRwizi rwaZeredhi.”
Kana kuti “nzizi dzeAnoni.”
Kana kuti “emunzizi.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “negwenga; nerenje.”
Kana kuti “kunoongorora.”