Numeri 22:1-41

  • Bharaki anoshevedza Bharami (1-21)

  • Dhongi raBharami rinotaura (22-41)

22  VaIsraeri vakabva vasimuka vakanodzika musasa murenje reMoabhi mhiri kwaJodhani pakatarisana neJeriko.+  Bharaki+ mwanakomana waZipori akaona zvese zvakanga zvaitwa vaAmori naIsraeri,  uye Moabhi akatya kwazvo vanhu vacho, nekuti vakanga vakawanda chaizvo; zvechokwadi Moabhi akanzwa mudumbu nemhaka yevaIsraeri.+  Saka Moabhi akati kuvakuru veMidhiyani:+ “Ungano iyi ichaparadza nzvimbo yedu yese, sekuparadza kunoita mukono wemombe uswa hwesango.” Bharaki mwanakomana waZipori ndiye akanga ari mambo weMoabhi panguva iyoyo.  Akatuma nhume kuna Bharami mwanakomana waBheori kuPetori,+ iri pedyo neRwizi* kumusha kwake. Akamushevedza achiti: “Uya uone! Kune vanhu vakabuda muIjipiti. Vazara nyika yese,+ uye vari kugara pamberi pangu chaipo.  Saka ndapota, uya unditukire vanhu ava,+ nekuti vane simba kundipfuura. Zvimwe ndingavakunda ndovadzinga munyika ino, nekuti ndinonyatsoziva kuti munhu waunokomborera anokomborerwa uye munhu waunotuka, anotukwa.”  Saka vakuru veMoabhi nevakuru veMidhiyani vakaenda kuna Bharami+ vakabata mari yekushopera, vakasvitsa shoko raBharaki.  Iye akabva ati kwavari: “Rarai pano usiku huno, ndozokuudzai zvese zvandinenge ndaudzwa naJehovha.” Saka machinda eMoabhi akarara pamba paBharami.  Mwari akabva auya kuna Bharami, akati:+ “Varume ava vauinavo ndivanaani?” 10  Bharami akati kuna Mwari wechokwadi: “Bharaki mwanakomana waZipori, mambo weMoabhi, anditumira shoko achiti, 11  ‘Uya uone! Vanhu vari kubva kuIjipiti vazara nyika yese. Saka uya unditukire vanhu ava.+ Zvimwe ndingakwanisa kuvarwisa ndovadzinga.’” 12  Asi Mwari akati kuna Bharami: “Usaenda navo. Usatuka vanhu vacho, nekuti vakakomborerwa.”+ 13  Bharami akamuka mangwanani, akati kumachinda aBharaki: “Dzokerai kunyika yenyu, nekuti Jehovha aramba kuti ndiende nemi.” 14  Saka machinda eMoabhi akasimuka, akadzokera kuna Bharaki, akati: “Bharami aramba kuuya nesu.” 15  Asi Bharaki akatumazve mamwe machinda, akatowanda uye aikudzwa kupfuura ekutanga. 16  Akasvika kuna Bharami akati kwaari: “Zvanzi naBharaki, mwanakomana waZipori, ‘Ndapota, usarega chimwe chinhu chichikutadzisa kuuya kwandiri, 17  nekuti ndichakukudza kwazvo uye ndichaita zvese zvaunonditi ndiite. Saka ndapota, uya unditukire vanhu ava.’” 18  Asi Bharami akapindura vashandi vaBharaki achiti: “Kunyange dai Bharaki aizondipa imba yake yakazara nesirivha negoridhe, ndaisazomboita chero chinhu chinopesana nemurayiro waJehovha Mwari wangu, chingava chidiki kana chikuru.+ 19  Asi munogonawo kurara pano, kuti ndione kana paine zvimwe zvandingaudzwa naJehovha.”+ 20  Mwari akabva auya kuna Bharami usiku, akati kwaari: “Kana varume ava vauya kuzokushevedza, enda navo. Asi wongonotaura mashoko andinenge ndakuudza chete.”+ 21  Saka Bharami akamuka mangwanani, akasungirira chigaro padhongi* rake akaenda nemachinda eMoabhi.+ 22  Asi Mwari akatsamwa kwazvo nekuti iye akanga ava kuenda, uye ngirozi yaJehovha yakanomira mumugwagwa kuti imutadzise kupfuura. Bharami akanga akatasva dhongi rake, uye aiva nevashandi vake vaviri. 23  Dhongi racho parakaona ngirozi yaJehovha yakamira mumugwagwa yakabata bakatwa rakavhomorwa, rakaedza kutsauka mumugwagwa richipinda musango. Asi Bharami akatanga kurova dhongi racho kuti ridzokere mumugwagwa. 24  Ngirozi yaJehovha yakabva yanomira mumukoto waiva pakati peminda miviri yemizambiringa, kumativi ese kuine madziro ematombo. 25  Dhongi racho parakaona ngirozi yaJehovha, rakatanga kuzvikwizira kumadziro, rikadzvanyidzira tsoka yaBharami kumadziro, uye Bharami akatanga kurirovazve. 26  Ngirozi yaJehovha yakapfuurazve ikanomira pamukoto wakanga usingaiti kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe. 27  Dhongi parakaona ngirozi yaJehovha, rakabva rarara pasi Bharami akaritasva kudaro, saka Bharami akatsamwa kwazvo, akaramba achirirova netsvimbo yake. 28  Jehovha akazoita kuti dhongi racho ritaure,*+ uye rakati kuna Bharami: “Ndaparei zvamandirova kudaro katatu aka?”+ 29  Bharami akapindura dhongi achiti: “Nekuti uri kuita kuti ndiite sebenzi. Dai ndanga ndiine bakatwa ndakuuraya!” 30  Dhongi racho rakabva rati kuna Bharami: “Handisi dhongi renyu here ramatasva kweupenyu hwenyu hwese kusvikira nhasi? Ndakambokuitirai zvakadai here?” Akapindura kuti: “Aiwa!” 31  Jehovha akabva avhura maziso aBharami,+ uye akaona ngirozi yaJehovha yakamira mumugwagwa, yakabata bakatwa rakavhomorwa. Akabva angokotama, ndokupfugama, akadzikisa musoro wake. 32  Ngirozi yaJehovha yakabva yati kwaari: “Waroverei dhongi rako katatu aka? Ini ndini ndauya kuzokutadzisa kuenda, nekuti nzira yako inopesana nekuda kwangu.+ 33  Dhongi randiona rikaedza kutsauka pamberi pangu katatu kese aka.+ Ko kudai ranga risina kutsauka pamberi pangu? Kutaura kuno ndingadai ndakuuraya, asi iro ndarisiya riri benyu.” 34  Bharami akati kungirozi yaJehovha: “Ndatadza, nekuti handina kuziva kuti ndimi manga makamira mumugwagwa kuti musangane neni. Saka kana zvakaipa kwamuri, regai ndidzokere.” 35  Asi ngirozi yaJehovha yakati kuna Bharami: “Enda nevarume vacho, asi wongonotaura mashoko andinenge ndakuudza chete.” Saka Bharami akaramba achienda nemachinda aBharaki. 36  Bharaki paakanzwa kuti Bharami akanga asvika, akabva akurumidza kunomuchingura kuguta reMoabhi, riri pamahombekombe eAnoni, pamuganhu wenyika yacho. 37  Bharaki akabva ati kuna Bharami: “Handina kukutumira shoko here? Nei usina kuuya? Unofunga kuti ndingatadza kukukudza here?”+ 38  Bharami akapindura Bharaki achiti: “Zvakanaka, iye zvino ndauya. Asi ndichabvumirwa kutaura zvese zvese here? Mashoko anenge aiswa naMwari mumuromo mangu ndiwo andichataura chete.”+ 39  Saka Bharami akaenda naBharaki, uye vakasvika kuKiriyati-huzoti. 40  Bharaki akabayira mombe nemakwai uye akatumira zvimwe zvacho kuna Bharami nekumachinda aaiva nawo. 41  Ava mangwanani Bharaki akatora Bharami, akamukwidza paBhamoti-bhaari; ari ipapo aikwanisa kuona vanhu vacho vese.+

Mashoko Emuzasi

Zvinoratidza sekuti pari kurehwa rwizi rwaYufratesi.
ChiHeb., “padhongi gadzi.”
ChiHeb., “akavhura muromo wedhongi racho gadzi.”