Numeri 24:1-25

  • Chirevo chaBharami chechitatu (1-11)

  • Chirevo chaBharami chechina (12-25)

24  Bharami paakaona kuti Jehovha aifarira kukomborera Israeri, haana kuzobva paaiva kuti anotsvaga mashoko ekuvashurudzira,+ asi akatarisa kurenje.  Bharami paakasimudza musoro akaona Israeri akadzika misasa maererano nemadzinza ake,+ mweya waMwari ukabva wauya paari.+  Akabva ataura chirevo ichi:+ “Kutaura kwaBharami, mwanakomana waBheori,Uye kutaura kwemurume ane maziso asvinudzwa,   Kutaura kweuya anonzwa shoko raMwari,Akaona chiratidzo cheWemasimbaose,Akotama akavhura maziso ake:+   Haiwa Jakobho, hakusi kunaka kwakaita matende ako,Hakusi kunaka kwakaita matebhenekeri ako, haiwa Israeri!+   Anosvika kure semapani,*+Seminda iri pedyo nerwizi,Semiarosi* yakadyarwa naJehovha,Semisidhari iri pedyo nemvura.   Mvura inoramba ichidonha kubva mumidziyo yake miviri yedehwe,Uye mbeu yake inodyarwa pedyo nemvura zhinji.+ Mambo wake+ achavawo mukuru kupfuura Agagi,+Uye umambo hwake huchakwidziridzwa.+   Mwari ari kumubudisa muIjipiti;Akaita senyanga dzenzombe yemusango kwavari. Achapedza marudzi, ivo vadzvinyiriri vavo,+Uye achan’un’una mapfupa avo, oatyora-tyora nemiseve yake.   Avhumbama, arara pasi seshumba,Uye seshumba, ndiani angashinga kumumutsa? Vaya vanokukomborera, vakakomborerwa,Uye vaya vanokutuka, vakatukwa.”+ 10  Bharaki akabva atsamwira Bharami kwazvo. Bharaki akarovanisa maoko ake achiratidza kutsamwa uye akati kuna Bharami: “Ndakakushevedza kuti uzotuka vavengi vangu,+ asi iye zvino watovakomborera katatu aka. 11  Chienda kumba kwako izvozvi. Ndaida kukukudza,+ asi ona! Jehovha akutadzisa kuti ukudzwe.” 12  Bharami akapindura Bharaki achiti: “Handina here kuudza nhume dzawakatuma kuti, 13  ‘Kunyange dai Bharaki aizondipa imba yake yakazara nesirivha negoridhe, ndaisazombosarudza kuita zvemusoro wangu ndichiita zvinopesana nemurayiro waJehovha, zvingava zvakanaka kana kuti zvakaipa. Ndichangotaura zvandinenge ndaudzwa naJehovha chete’?+ 14  Iye zvino ndava kuenda kuvanhu vangu. Uya ndikuudze zvichaitwa vanhu vako nevanhu ava mune ramangwana.”* 15  Saka akataura chirevo ichi:+ “Kutaura kwaBharami, mwanakomana waBheori,Uye kutaura kwemurume ane maziso asvinudzwa,+ 16  Kutaura kweuya anonzwa shoko raMwari,Uye kweuya ane ruzivo rweWekumusorosoro,Akaona chiratidzo cheWemasimbaosePaakanga akakotama maziso ake akavhurwa: 17  Ndichamuona, asi kwete iye zvino;Ndichamuona, asi pava paya. Nyeredzi+ ichabuda kuna Jakobho,Uye tsvimbo+ yeumambo ichabva kuna Israeri.+ Uye achapwanya huma dzevaMoabhi+Nemadehenya evanakomana vese vemheremhere. 18  Uye Edhomu achava nhaka,+Chokwadi, Seiri+ achava nhaka yevavengi vake,+Israeri achiratidza ushingi hwake. 19  Uye mumwe achabuda muna Jakobho achakunda,+Uye achaparadza chero anenge apona muguta racho.” 20  Paakaona Amareki, akaenderera mberi nechirevo chake achiti: “Amareki ndiye akanga ari wekutanga wemarudzi,+Asi pakupedzisira achaparara.”+ 21  Paakaona vaKeni,+ akaenderera mberi nechirevo chake achiti: “Nzvimbo yako yaunogara yakasimba, uye imba yako yakavakirwa padombo. 22  Asi mumwe munhu achapisa Keini. Zvichatora nguva yakadii Asiriya isati yakutapa?” 23  Uye akaenderera mberi nechirevo chake achiti: “Maiwee! Ndiani achapona kana Mwari ava kuita izvi? 24  Ngarava dzichabva kumahombekombe eKitimu,+Uye dzichatambudza Asiriya,+Uye dzichatambudza Ebheri. Asi iyewo achaparara zvachose.” 25  Bharami+ akabva asimuka, akaenda, akadzokera kumusha kwake. Bharaki akaendawo kwake.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “senzizi.”
Iyi miti inobudisa namo nemafuta zvaishandiswa pakugadzira zvinhu zvinonhuhwirira.
Kana kuti “pakuguma kwemazuva acho.”