Numeri 27:1-23

  • Vanasikana vaZerofehadhi (1-11)

  • Joshua anonzi ndiye achatsiva Mozisi (12-23)

27  Vanasikana vaZerofehadhi+ mwanakomana waHeferi, mwanakomana waGiriyedhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa, vakabva vasvika. Mazita evanasikana vake aiva Mahra, Noa, Hogra, Mirika, naTiza.  Vakamira pamberi paMozisi, nemupristi Eriyezari, nemachinda,+ neungano yese pasuo retende rekusanganira, vakati:  “Baba vedu vakafira murenje, asi vakanga vasiri pakati pevatsigiri vaKora+ vakaungana kuti varwe naJehovha, asi vakafira chivi chavo uye vakanga vasina vanakomana.  Zita rababa vedu ringarova here nemhaka yekuti vakanga vasina mwanakomana? Tipeiwo nhaka pakati pehama dzababa vedu.”  Saka Mozisi akaenda nenyaya yavo pamberi paJehovha.+  Jehovha akabva ati kuna Mozisi:  “Zviri kutaurwa nevanasikana vaZerofehadhi ndizvozvo. Unotofanira kuvapa nhaka pakati pehama dzababa vavo woisa nhaka yababa vavo mumaoko avo.+  Uye udza vaIsraeri kuti, ‘Kana murume akafa asina mwanakomana, munofanira kubva maita kuti nhaka yake igarwe nemwanasikana wake.  Uye kana asina mwanasikana, munopa vakoma kana vanin’ina vake nhaka yake. 10  Uye kana asina vakoma kana vanin’ina, munopa vakoma kana vanin’ina vababa vake nhaka yake. 11  Uye kana baba vake vasina vakoma kana vanin’ina, nhaka yake munoipa hama yake yepedyo, uye ichava yake. Uyu mutongo uchashanda semurau kuvaIsraeri, sezvarayirwa Mozisi naJehovha.’” 12  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Kwira mugomo iri remuAbharimu,+ uone nyika yandichapa vaIsraeri.+ 13  Kana waiona, uchabva waiswawo kwakaiswa vanhu vekwako,*+ sezvakaitwa mukoma wako Aroni,+ 14  nekuti ungano payaindipopotera murenje reZini, wakapandukira murayiro wangu wekuti unditsvenese pamberi pavo panyaya yemvura.+ Iyi ndiyo mvura yeMeribha,+ kuKadheshi+ murenje reZini.”+ 15  Mozisi akabva ati kuna Jehovha: 16  “Jehovha, Mwari anopa vanhu vese upenyu* ngaagadze murume paungano 17  achabuda uye achapinda navo, uye achivatungamirira pakubuda nepakupinda, kuti ungano yaJehovha irege kuva semakwai asina mufudzi.” 18  Saka Jehovha akati kuna Mozisi: “Tora Joshua mwanakomana waNuni, murume ane pfungwa dzakanaka, uise maoko ako pamusoro pake.+ 19  Womumisa pamberi pemupristi Eriyezari nepamberi peungano yese, umugadze vese vachizviona.+ 20  Unofanira kumupa mamwe emasimba ako,*+ kuti ungano yese yevaIsraeri imuteerere.+ 21  Achamira pamberi pemupristi Eriyezari, uyo achashandisa Urimu+ kumubvunzira mitongo inenge yapiwa naJehovha. Vachabuda kana ati vabude, uye vachapinda kana ati vapinde, iye nevaIsraeri vese vaainavo neungano yese.” 22  Saka Mozisi akaita zvaakanga arayirwa naJehovha. Akatora Joshua, akamumisa pamberi pemupristi Eriyezari nepamberi peungano yese, 23  uye akaisa maoko ake pamusoro pake akamugadza,+ sezvakanga zvataurwa naJehovha achishandisa Mozisi.+

Mashoko Emuzasi

Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
ChiHeb., “wemweya yenyama yese.”
Kana kuti “kumwe kukudzwa kwako.”