Numeri 29:1-40

  • Zvaiitwa pakupa mipiro yakasiyana-siyana (1-40)

    • Zuva rekuridza bhosvo (1-6)

    • Zuva Rekuyananisira (7-11)

    • Mutambo Wematumba (12-38)

29  “‘Uye mumwedzi wechi7, pazuva rekutanga remwedzi wacho, munofanira kuva nekuungana kutsvene. Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+ Izuva ramunofanira kuridza bhosvo.+  Muchapa Jehovha mupiro unopiswa unonhuhwirira zvakanaka* wemukono wemombe mumwe chete mudiki, gondohwe rimwe chete, uye makwayana makono 7 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,  nemupiro wacho wezviyo* wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvegumi zvitatu zvechiyero cheefa pamukono wacho wemombe, zvegumi zviviri zvechiyero pagondohwe racho,  nechegumi chimwe chete chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono 7,  nembudzana hono imwe chete kuti ive chibayiro chechivi chekukuyananisirai.  Izvi muchazvipa kuwedzera pamupiro unopiswa wemwedzi nemwedzi nemupiro wacho wezviyo+ uye mupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo,+ pamwe chete nemipiro yacho yezvinwiwa,+ muchizvipa semapirwo azvagara zvichiitwa, semupiro unonhuhwirira zvakanaka,* unopisirwa Jehovha nemoto.  “‘Uye pazuva rechi10 remwedzi uyu wechi7 munofanira kuva nekuungana kutsvene,+ uye munofanira kuzvirwadzisa.* Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+  Uye muchapa Jehovha mupiro unopiswa unonhuhwirira zvakanaka* wemukono wemombe mumwe chete mudiki, gondohwe rimwe chete, uye makwayana makono 7 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka.+  Uye mupiro wacho wezviyo wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvegumi zvitatu zvechiyero cheefa pamukono wacho wemombe, zvegumi zviviri zvechiyero pagondohwe racho, 10  chegumi chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono 7, 11  nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro wechivi chekuyananisira+ uye mupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo, pamwe chete nemipiro yacho yezvinwiwa. 12  “‘Uye pazuva rechi15 remwedzi wechi7 munofanira kuva nekuungana kutsvene. Hamufaniri kutomboita basa rakaoma, uye munofanira kuitira Jehovha mutambo kwemazuva 7.+ 13  Uye muchapa Jehovha mupiro unopiswa,+ mupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* wemikono yemombe midiki 13, makondohwe maviri, uye makwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka.+ 14  Uye mupiro wacho wezviyo wefurawa yakatsetseka yakasanganiswa nemafuta, zvegumi zvitatu zvechiyero cheefa pamikono yacho yemombe 13, zvegumi zviviri zvechiyero pagondohwe rimwe nerimwe pamakondohwe acho maviri, 15  nechegumi chechiyero pagwayana gono rimwe nerimwe pamakwayana acho makono 14, 16  nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+ 17  “‘Uye pazuva rechipiri munofanira kuuya nemikono yemombe midiki 12, makondohwe maviri, makwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 18  nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 19  nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo, pamwe chete nemipiro yacho yezvinwiwa.+ 20  “‘Uye pazuva rechitatu, munofanira kuuya nemikono yemombe 11, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 21  nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 22  nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+ 23  “‘Uye pazuva rechina, vanofanira kuuya nemikono yemombe 10, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 24  nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 25  nembudzana imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+ 26  “‘Uye pazuva rechishanu munofanira kuuya nemikono yemombe 9, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 27  nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 28  nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+ 29  “‘Uye pazuva rechi6 munofanira kuuya nemikono yemombe 8, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 30  nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 31  nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemipiro yacho yezvinwiwa.+ 32  “‘Uye pazuva rechi7 munofanira kuuya nemikono yemombe 7, makondohwe maviri, nemakwayana makono 14 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 33  nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemikono yacho yemombe, makondohwe, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho semapirwo azvagara zvichiitwa, 34  nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+ 35  “‘Pazuva rechi8 munofanira kuva negungano dzvene. Hamufaniri kutomboita basa rakaoma.+ 36  Muchapa Jehovha mupiro unopiswa, mupiro unopiswa nemoto unonhuhwirira zvakanaka* wemukono wemombe mumwe chete, gondohwe rimwe chete, uye makwayana makono 7 ane gore rimwe chete, dzese dziri mhuka dzakanaka,+ 37  nemupiro wacho wezviyo nemipiro yacho yezvinwiwa inopiwa pamwe chete nemukono wacho wemombe, gondohwe racho, nemakwayana makono zvichienderana nekuwanda kwacho sezvagara zvichiitwa, 38  nembudzi imwe chete kuti ive chibayiro chechivi, kuwedzera pamupiro unopiswa wagara uchipiwa, nemupiro wacho wezviyo, nemupiro wacho wechinwiwa.+ 39  “‘Izvi ndizvo zvamuchapa Jehovha pamitambo yenyu yemwaka nemwaka,+ kuwedzera pamipiro yenyu yemhiko,+ nemipiro yenyu yekungopa muchizvidira+ kuti ive mipiro yenyu inopiswa+ nemipiro yenyu yezviyo+ nemipiro yenyu yezvinwiwa+ nezvibayiro zvenyu zverugare.’”+ 40  Mozisi akaudza vaIsraeri zvese zvaakanga arayirwa naJehovha.

Mashoko Emuzasi

ChiHeb., “zvinozorodza.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
ChiHeb., “zvinozorodza.”
Kana kuti “kurwadzisa mweya yenyu.” “Kuzvirwadzisa” kunowanzonzwisiswa sekunoreva nzira dzakasiyana-siyana dzekuzvinyima zvimwe zvinhu, kusanganisira kutsanya.
ChiHeb., “zvinozorodza.”
ChiHeb., “zvinozorodza.”
ChiHeb., “zvinozorodza.”