Numeri 31:1-54

  • Midhiyani anotsiviwa (1-12)

    • Bharami anourayiwa (8)

  • Mirayiro pamusoro pezvakapambwa (13-54)

31  Jehovha akabva audza Mozisi kuti:  “Tsiva+ vaMidhiyani+ zvavakaitira vaIsraeri. Kana wadaro uchaiswa kwakaiswa vanhu vekwako.”*+  Saka Mozisi akataura nevanhu achiti: “Itai kuti varume vari pakati penyu vagadzirire kunorwa nevaMidhiyani, vatsivire Jehovha Midhiyani.  Munofanira kutumira kuhondo vanhu 1 000 kubva mudzinza rimwe nerimwe raIsraeri.”  Saka varume 12 000 vakagadzirira kunorwa, mudzinza rimwe nerimwe raIsraeri+ muchibva vanhu 1 000.  Mozisi akabva avatuma kuhondo, varume 1 000 vachibva mudzinza rimwe nerimwe, pamwe naFiniyasi+ mupristi weuto, mwanakomana waEriyezari, akabata midziyo mitsvene nemabhosvo+ ekushevedzera nawo.  Vakarwa neMidhiyani, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha, vakauraya vanhurume vese.  Pakati pevamwe vavakauraya paiva nemadzimambo eMidhiyani aiti, Evhi, Rekemu, Zuri, Heri, Rebha, madzimambo mashanu eMidhiyani. Vakaurayawo Bharami+ mwanakomana waBheori nebakatwa.  Asi vaIsraeri vakatapa vakadzi veMidhiyani nevana vavo. Vakapambawo zvipfuwo zvavo zvese, nezvinhu zvavo zvese. 10  Uye vakapisa nemoto maguta avo ese avaigara nemisasa yavo yese.* 11  Uye vakatora zvese zvaiva nevanhu, vakapamba pfuma yavo yese, kusanganisira vanhu nemhuka. 12  Vakabva vauya nenhapwa, nezvavakanga vapamba, nezvimwe zvese kumusasa kuna Mozisi nemupristi Eriyezari neungano yevaIsraeri, kurenje reMoabhi+ riri pedyo naJodhani kuJeriko. 13  Mozisi nemupristi Eriyezari nemachinda ese eungano vakabva vabuda kunovachingura kunze kwemusasa. 14  Asi Mozisi akatsamwira varume vakagadzwa kuti vatungamirire mauto, vakuru vezviuru nevakuru vemazana vakanga vachibva kuhondo. 15  Mozisi akati kwavari: “Ko masiya vanhukadzi vese vari vapenyu? 16  Handiti ndivo vakaudzwa naBharami kuti vafurire vaIsraeri kuti vaite zvinhu zvekusatendeka+ kuna Jehovha panyaya yekuPeori,+ zvekuti denda rakawira ungano yaJehovha?+ 17  Iye zvino chiurayai vana vese vakomana, nemukadzi wese akamborara nemurume. 18  Asi vasikana vese vadiki vasati varara nemurume munogona kuvasiya henyu vari vapenyu.+ 19  Uye munofanira kugara kunze kwemusasa kwemazuva manomwe. Munhu wese akauraya munhu* uye munhu wese akabata munhu akaurayiwa+ anofanira kuzvichenesa+ pazuva rechitatu nepazuva rechinomwe, imi nenhapwa dzenyu. 20  Uye munofanira kuchenesa pachivi nguo dzese, zvinhu zvese zvakagadzirwa nematehwe, zvinhu zvese zvakagadzirwa nemvere dzembudzi, nezvinhu zvese zvakagadzirwa nemuti.” 21  Mupristi Eriyezari akabva ati kuvarume veuto vakanga vaenda kuhondo: “Izvi ndizvo zviri mumutemo wakarayirwa Mozisi naJehovha, 22  ‘Goridhe chete, nesirivha, nemhangura, nesimbi, netini, nemutobvu, 23  zvinhu zvese zvisingatsvi munofanira kuzvipfuudza nemumoto, zvova zvakachena. Asi zvinofanirawo kuzonatswa nemvura yekuchenesa.+ Zvinhu zvese zvinotsva munofanira kuzvipfuudza nemumvura. 24  Uye munofanira kugeza zvipfeko zvenyu pazuva rechinomwe mova vakachena, mozopinda zvenyu mumusasa.’”+ 25  Jehovha akabva ati kuna Mozisi: 26  “Verenga zvinhu zvese zvakapambwa, kubvira pavanhu nemhuka; zviite uina Eriyezari mupristi nevakuru vedzimba dzemadzibaba eungano. 27  Kamura zvinhu zvakapambwa zvive migove miviri wozvigovanisa pakati pevaya vakaenda kuhondo neungano yese.+ 28  Unofanira kutora mutero waJehovha kumauto akaenda kuhondo, munhu* mumwe chete pavanhu 500, mhuka imwe* chete pamhuka 500 kubvira pamombe, madhongi, nepamakwai nembudzi. 29  Uzvitore pahafu yavo wozvipa mupristi Eriyezari kuti uve mupiro waJehovha.+ 30  Pahafu yawapa vaIsraeri, unofanira kutora munhu mumwe chete pavanhu 50 uye mhuka imwe chete pamhuka 50 kubvira pamombe, madhongi, makwai nembudzi, nepazvipfuwo zvemarudzi ese, wozvipa vaRevhi,+ vanoita mabasa ane chekuita netebhenekeri yaJehovha.”+ 31  Saka Mozisi nemupristi Eriyezari vakanyatsoita zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 32  Zvinhu zvakasara pane zvakauya nevanhu vakanga vaenda kuhondo zvavakapamba, zvaiva makwai nembudzi 675 000, 33  mombe 72 000, 34  nemadhongi 61 000. 35  Vakadzi vakanga vasati vamborara nemurume+ vakasvika 32 000. 36  Mugove wevaya vakaenda kuhondo wakasvika makwai nembudzi 337 500. 37  Mutero waJehovha wakabva pamakwai nembudzi wakava 675. 38  Mombe dzaiva 36 000, uye dzakabviswa semutero waJehovha dzaiva 72. 39  Madhongi aiva 30 500, uye akabviswa semutero waJehovha aiva 61. 40  Uye vanhu vaiva* 16 000, uye vakabviswa semutero waJehovha vaiva vanhu* 32. 41  Mozisi akabva apa mupristi Eriyezari mutero wacho kuti uve mupiro waJehovha,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 42  Mugove wevaIsraeri, wakanga wakamurwa naMozisi pazvinhu zviya zvaiva zvevarume vakarwa hondo, 43  wakasvika makwai nembudzi 337 500, 44  uye mombe dzakasvika 36 000, 45  uye madhongi akasvika 30 500, 46  uye vanhu vakasvika* 16 000. 47  Mozisi akabva atora pamugove wevaIsraeri chimwe chete pazvinhu 50, pavanhu nepazvipfuwo, ndokupa vaRevhi,+ vaiita mabasa epatebhenekeri yaJehovha,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 48  Varume vakagadzwa vaitungamirira zviuru zveuto,+ vakuru vezviuru nevakuru vemazana, vakabva vauya kuna Mozisi, 49  ndokuti kuna Mozisi: “Varanda venyu vaverenga varume vehondo vari pasi pedu, uye hapana kana mumwe chete anzi ashayikwa.+ 50  Saka regai mumwe nemumwe wedu ape Jehovha mupiro wezvaakawana, zvinhu zvegoridhe, tucheni twemuzviziso zvemakumbo, nezvishongo zvemaoko, marin’i ane zvidhindo, mhete, nezvimwewo zvishongo, kuti tizviyananisire* pamberi paJehovha.” 51  Saka Mozisi nemupristi Eriyezari vakagamuchira goridhe racho rakabva kwavari, zvishongo zvacho zvese. 52  Goridhe rese remupiro wavakapa Jehovha, rakabva kuvakuru vezviuru nevakuru vemazana, rakasvika mashekeri* 16 750. 53  Mumwe nemumwe wevarume veuto ane zvaakanga apamba. 54  Saka Mozisi nemupristi Eriyezari vakagamuchira goridhe rakabva kuvakuru vezviuru nevemazana, vakapinda naro mutende rekusanganira kuti rive chiyeuchidzo kuvaIsraeri pamberi paJehovha.

Mashoko Emuzasi

Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.
Kana kuti “nemisasa yavo yese ine masvingo.”
Kana kuti “mweya.”
Kana kuti “mweya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “mweya mumwe.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “mweya.”
Kana kuti “mweya yevanhu yaiva.”
Kana kuti “mweya yevanhu yakasvika.”
Kana kuti “tiyananisire mweya yedu.”
Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.