Numeri 32:1-42

  • Vakagariswa kumabvazuva kwaJodhani (1-42)

32  Vanakomana vaRubheni+ nevanakomana vaGadhi+ vaiva nezvipfuwo zvakawanda kwazvo uye vakaona kuti nyika yeJazeri+ nenyika yeGiriyedhi dzakanga dzakanakira zvipfuwo.  Saka vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakauya kuna Mozisi, nemupristi Eriyezari, nemachinda eungano vakati:  “Ataroti, Dhibhoni, Jazeri, Nimra, Heshbhoni,+ Ereyare, Sebhamu, Nebho,+ neBheoni,+  nzvimbo dzakakundwa naJehovha pamberi peungano yaIsraeri,+ inzvimbo dzakanakira zvipfuwo, uye varanda venyu vane zvipfuwo zvakawanda.”+  Vakatizve: “Kana matinzwira nyasha, nzvimbo iyi ngaipiwe varanda venyu kuti ive nhaka yavo. Musatiyambutsa henyu Jodhani.”  Mozisi akabva ati kuvanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni: “Munoda kuti hama dzenyu dziende kuhondo imi mugere henyu kuno here?  Nei muchida kuodza mwoyo vaIsraeri kuti varege kuyambuka vachipinda munyika yavari kupiwa naJehovha?  Izvozvo ndizvo zvakaitwa nemadzibaba enyu pandakavatuma kubva kuKadheshi-bhaneya kuti vanoona nyika yacho.+  Pavakaenda kuBani reEshkori,*+ vakaona nyika yacho, vakaodza mwoyo vaIsraeri kuti varege kupinda munyika yavaizopiwa naJehovha.+ 10  Zuva iroro Jehovha akatsamwa kwazvo zvekuti akapika achiti:+ 11  ‘Varume vane makore 20 zvichikwira vakabuda muIjipiti havazooni nyika+ yandakapikira Abrahamu, Isaka, naJakobho,+ nekuti havana kunditevera nemwoyo wese, 12  kunze kwaKarebhi+ mwanakomana waJefune muKenizi, naJoshua+ mwanakomana waNuni, nekuti vakatevera Jehovha nemwoyo wese.’+ 13  Saka Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo, akaita kuti vadzungaire murenje kwemakore 40,+ kusvikira chizvarwa chese chaiita zvakaipa pamberi paJehovha chapera.+ 14  Iye zvino imi mava kutevedzera madzibaba enyu sevana vevarume vane chivi vanowedzera hasha dzaJehovha pana Israeri. 15  Kana mukarega kumutevera, achavasiya zvakare murenje, uye muchaita kuti vanhu ava vese vaparare.” 16  Vakazouya kwaari vakati: “Regai tivakire kuno zvipfuwo zvedu matanga ematombo uye vana vedu maguta. 17  Asi isu ticharamba takagadzirira kurwa+ uye tichaenda tiri pamberi pevaIsraeri kusvikira tavasvitsa kunzvimbo yavo, vana vedu vagere mumaguta akakomberedzwa nemasvingo, vakadzivirirwa kuvagari vemunyika yacho. 18  Hatizodzoki kudzimba dzedu kusvikira muIsraeri mumwe nemumwe awana nzvimbo yake yenhaka.+ 19  Nekuti hatizopiwi nhaka pamwe chete navo mhiri kwaJodhani, nekuti tinenge tapiwa nhaka yedu kumabvazuva kwaJodhani.”+ 20  Mozisi akavapindura kuti: “Kana mukaita izvi: Torai zvombo zvehondo pamberi paJehovha;+ 21  uye kana mumwe nemumwe wenyu akatora zvombo oyambuka Jodhani pamberi paJehovha achidzinga vavengi vake pamberi pake+ 22  kusvikira nyika yakundwa pamberi paJehovha,+ munogona kuzodzoka+ uye munenge musina mhosva pamberi paJehovha naIsraeri. Zvadaro nyika ino ichava nhaka yenyu pamberi paJehovha.+ 23  Asi kana mukasaita izvi, munenge matadzira Jehovha. Kana mukadaro zivai kuti chivi chenyu chichakuteverai. 24  Saka munogona henyu kuvakira vana venyu maguta uye makwai enyu matanga,+ asi munofanira kuita zvamavimbisa.” 25  Vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakati kuna Mozisi: “Varanda venyu vachaita zviri kutaurwa naishe wangu chaizvo. 26  Vana vedu, madzimai edu, mombe dzedu, nezvipfuwo zvedu zvese zvichasara mumaguta eGiriyedhi,+ 27  asi varanda venyu vachayambuka, munhu wese akapakata zvombo kuti arwe pamberi paJehovha,+ sezviri kutaura ishe wangu.” 28  Saka Mozisi akataura nezvavo kumupristi Eriyezari, naJoshua mwanakomana waNuni, nevakuru vedzimba dzemadzibaba emadzinza aIsraeri. 29  Mozisi akati kwavari: “Kana vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakayambuka Jodhani pamwe chete nemi, murume wese akagadzirira kurwa pamberi paJehovha, uye nyika ikakundwa pamberi penyu, munobva mavapa nyika yeGiriyedhi kuti ive nhaka yavo.+ 30  Asi kana vakasatora zvombo voyambuka pamwe chete nemi, vanofanira kuzogara pakati penyu munyika yeKenani.” 31  Vanakomana vaGadhi nevanakomana vaRubheni vakabva vapindura kuti: “Zvataurwa naJehovha kuvaranda venyu ndizvo zvatichaita. 32  Tichatora zvombo toyambuka kunyika yeKenani pamberi paJehovha,+ asi nhaka yedu ichava mhiri kuno kwaJodhani.” 33  Saka Mozisi akapa vanakomana vaGadhi, nevanakomana vaRubheni,+ uye hafu yedzinza raManase+ mwanakomana waJosefa, umambo hwaSihoni+ mambo wevaAmori neumambo hwaOgi+ mambo weBhashani, nzvimbo yakapoteredza maguta ari munharaunda dzacho, nemamwe maguta akapoteredza nzvimbo yacho. 34  Uye vanakomana vaGadhi vakavaka* Dhibhoni,+ Ataroti,+ Aroeri,+ 35  Atroti-shofani, Jazeri,+ Jogbheha,+ 36  Bheti-nimra,+ neBheti-harani,+ maguta aiva akakomberedzwa nemasvingo, uye vakavakira makwai avo matanga ematombo. 37  Uye vanakomana vaRubheni vakavaka Heshbhoni,+ Ereyare,+ Kiriyataimu,+ 38  Nebho,+ neBhaari-meyoni,+ vachichinja mazita awo, neSibma; uye vakatanga kutumidza maguta acho avakavakazve mamwe mazita. 39  Vanakomana vaMakiri,+ mwanakomana waManase vakaenda vakanorwisa Giriyedhi, vakaitora uye vakadzinga vaAmori vaiva mairi. 40  Saka Mozisi akapa Makiri mwanakomana waManase Giriyedhi, uye akatanga kugara mairi.+ 41  Uye Jairi mwanakomana waManase akaenda akanovarwisa, akatora misha yavo yematende, akaitumidza kuti Havhoti-jairi.*+ 42  Uye Nobha akaenda akanorwisa Kenati akaitora pamwe nemaguta madiki akaipoteredza, akaitumidza zita rake rekuti Nobha.

Mashoko Emuzasi

Kana kuti “kuRwizi rwaEshkori.”
Kana kuti “vakavakazve.”
Kureva kuti “Misha Yematende yaJairi.”