Numeri 34:1-29

  • Miganhu yeKenani (1-15)

  • Varume vanosarudzwa kuti vaganhure nyika (16-29)

34  Uye Jehovha akataurazve naMozisi, achiti:  “Udza vaIsraeri kuti: ‘Pamuchapinda munyika yeKenani,+ iyi ndiyo nyika yamuchawana kuti ive nhaka yenyu, nyika yeKenani maererano nemiganhu yayo.+  “‘Muganhu wenyu wekumaodzanyemba uchatangira kurenje reZini uchitevedza Edhomu, uye muganhu wenyu wekumaodzanyemba nechekumabvazuva uchatangira kunogumira Gungwa reMunyu.*+  Muganhu wenyu uchachinja kwawakananga uchipfuura nekumaodzanyemba kwemukwidza weAkrabhimu+ wopfuurira kuZini, uye uchagumira kumaodzanyemba kweKadheshi-bhaneya.+ Unozopfuurira kuHazari-adhari+ wosvika kuAzmoni.  Muganhu uchachinja kwawakananga paAzmoni wonanga kuRwizi* rweIjipiti, uchigumira kuGungwa.*+  “‘Muganhu wenyu wekumavirira uchava mahombekombe eGungwa Guru.* Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekumavirira.+  “‘Muganhu wenyu wekuchamhembe uchava uyu: Muchatara muganhu wenyu kubvira kuGungwa Guru kusvikira kuGomo reHori.  Kubva kuGomo reHori muchatara muganhu wacho kusvikira kuRebhohamati,*+ uye muganhu wacho uchagumira kuZedhadhi.+  Uye muganhu wacho uchapfuurira kuZifroni, uchigumira kuHazari-enani.+ Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wekuchamhembe. 10  “‘Munofanira kubva matara muganhu wenyu wekumabvazuva kubvira kuHazari-enani kusvikira kuShefamu. 11  Muganhu wacho uchapfuurira uchibva kuShefamu uchienda kuRibra kumabvazuva kweAini, uye muganhu wacho uchadzika uchiyambuka materu ekumabvazuva eGungwa reKinereti.*+ 12  Muganhu wacho uchadzika kuJodhani, uchigumira kuGungwa reMunyu.+ Iyi ndiyo ichava nyika yenyu+ nemiganhu yayo yakaipoteredza.’” 13  Saka Mozisi akarayira vaIsraeri achiti: “Iyi ndiyo nyika yamuchagovana senhaka yenyu muchishandisa mujenya,+ sezvakarayirwa naJehovha kuti ipiwe madzinza 9, nehafu yerimwe dzinza. 14  Nekuti dzinza revaRubheni maererano neimba yemadzibaba avo, nedzinza revaGadhi maererano neimba yemadzibaba avo, nehafu yedzinza raManase vakatowana nhaka yavo.+ 15  Madzinza maviri nehafu akatowana nhaka yawo kunharaunda iri mhiri kwaJodhani pedyo neJeriko, kumabvazuva.”+ 16  Jehovha akataurazve naMozisi, achiti: 17  “Aya ndiwo mazita evarume vachakuisirai miganhu munyika yacho kuti mugare mairi: mupristi Eriyezari+ naJoshua+ mwanakomana waNuni. 18  Uye muchatora jinda rimwe chete padzinza rimwe nerimwe kuti vaganhure-ganhure nyika kuti ive nhaka yenyu.+ 19  Aya ndiwo mazita evarume vacho: wedzinza raJudha,+ Karebhi+ mwanakomana waJefune; 20  wedzinza revanakomana vaSimiyoni,+ Shemueri mwanakomana waAmihudhi; 21  wedzinza raBhenjamini,+ Eridhadhi mwanakomana waKisroni; 22  wedzinza revanakomana vaDhani,+ jinda rinonzi Bhuki mwanakomana waJogri; 23  vevanakomana vaJosefa,+ kubva kudzinza revanakomana vaManase,+ jinda rinonzi Hanieri mwanakomana waEfodhi; 24  kubva kudzinza revanakomana vaEfremu,+ jinda rinonzi Kemueri mwanakomana waShiftani; 25  wedzinza revanakomana vaZebhuroni,+ jinda rinonzi Erizafani mwanakomana waPanaki; 26  wedzinza revanakomana vaIsakari,+ jinda rinonzi Paritieri mwanakomana waAzani; 27  wedzinza revanakomana vaAsheri,+ jinda rinonzi Ahihudhi mwanakomana waSheromi; 28  wedzinza revanakomana vaNaftari,+ jinda rinonzi Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.” 29  Ava ndivo vakarayirwa naJehovha kuti vagovanise vaIsraeri nyika yeKenani.+

Mashoko Emuzasi

Kureva, Gungwa Rakafa.
Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Bani.”
Kureva, Gungwa Guru, Medhitereniyeni.
Kureva, Gungwa reMedhitereniyeni.
Kana kuti “panopindwa napo muHamati.”
Kureva, Gungwa reGenesareti, kana kuti Gungwa reGarireya.